Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vemuGweru Vochema Chema neMutengo weMagetsi


Vamwe vagari vemuGweru vanoti havasi kunzwisisa nezve mutengo mutsva wemagetsi zvisinei netsananguro yeveZimbabwe Electricity Supply Authority, vachitiwo magetsi aya ave kudhura zvakanyanya.

Kutsutsumwa kwevamwe vagari ava kwabuda mushure memusangano waitwa nevagari nhasi nevagari nevamwe vakuru vakuru vekambani yeZESA.

Mumwe mugari, Amai Patience Musambasi vati havana kugutsikana netsananguro yapihwa neveZESA. Vati magetsi ave kudhura vakatiwo kambani iyi yakaunza matengeserwo emagetsi matsva aya isina kupa vanhu dzidziso yakakwana pamusoro penyaya iyi.

Ambuya Winfriedah Chimwango vati vave pamudyandigere vatsinhirawo kuti mutengo mutsva wemagetsi haunzwisisike vachitiwo magetsi ave kudhura zvoomesera varombo.

Amai Immaculate Madzimure vati matengesero ave kuita veZesa magetsi ane hukoronyera mukati. Izvi zvatsinhirwavo naVaSimbarashe Chirara avo vati kunyange hazvo munhu akatenga magetsi emari yakawanda aunozowana ekushandisa chaiwo anenge ari mashoma. VaChirara vachema-chemawo nenyaya yekuti magetsi acho anogara asipo nguva zhinji.

Mukuru anooona nezvekutengeswa kwemagetsi mudunhu rekuchamhembe kwenyika VaEdward Nyoni ndivo vange vakatungamira chikwata cheveZESA pamusangano uyu. Varamba kutaura neStudio 7 pamhepo sezvo vati havabvumirwe kutaura nevatori venhau.

Mutauriri weZESA vaFullard Gqasira vanoti kambani yavo yakakwidza mutengo wemagetsi mwedzi wapera uye yave nematengesero ekuti munhu ukaramba uchitenga magetsi kakawanda mukati memwedzi mumwe chete, mutengo wemagetsi aya unoramba uchikwira.

Nemusi weChishanu veruzhinji vakaungana pamahofisi eZesa munzvimbo dzakasiyana siyana munyika vachida kunzwisisa nezvemutengo wemagetsi mutsva uyu.

Zesa inoti inotarisira kuti mhuri yega yega inoshandisa zvikamu mazana maviri zvemagetsi mukati memwedzi mumwe chete. Magetsi aya anotengeswa nemari inoita mashereni makumi mana pazvikamu makumi mashanu zvekutanga (41 cents for the first 50 units) uye mashereni makumi mapfumbamwe nesendi rimwe chete pazvikamu zana nemakumi mashanu zvinotevera.

Kana munhu ukapfuudza zvikamu mazana maviri zvinotarsisirwa kuti ushandise pamwedzi unenge wave kuzotenga chikamu chimwe chete chemagetsi nemadhora matatu mashereni makumi masere nemasendi mapfumbamwe ($3.89 per every unit.)

Mune imwewo nyaya vamwe vagari vemuGweru vari kuchema-chema kuti vashandi vekanzuru vari kuvabvisira mametre emvura pamba pavo vachinzi vane zvikwereti.

Amai Ruth Dube vati vakabvisirwa mita yavo zvisinei nekuti vaiva vawirirana nekanzuru kuti vaizobhadhara chikwereti chavainacho zvishoma-nezvishoma.

Muzvare Tariro Kaseke vati vakabvisirwa mita yemvura yepamba pavo zvisinei nekuti vaive vakabhadhara chiwereti chavainzi vaive nacho kukanzuru.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kukanzuru yeGweru panyaya iyi. Asi vakafanobata chigaro chemunyori wekanzuru VaDouglas Chikwekwe vakabuda pane imwe nhepfenyuro yemuGweru mazuva mashoma apfuura vachikumbira ruregerero pamusoro penyaya iyi vachiti hauzi mutemo wekanzuru kubvisira vagari vane zvikwereti kukanzuru mametre emvura ari padzimba dzavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG