Nyaya yekunetsana pakati peAmerica neIran mushure mekuurayiwa kwaGeneral Qassem Soleimani nemauto eAmerica yave kupa kuti vamwe mune dzimwe nyika muAfrica vatyire kuti vanogona kuzotsokodzerwa sehuswa pakurwisana kwenzou mbiri idzi.
Soleimani aitungamira mauto eQuds force, anoshanda ne Islamic Revolutionary Guard Corps.
General Suleimani ndiye aitungamira zvido zveIran muhondo dziri muIraq, Syria, Lebanon uye kurwisa chikwata chinopfurikidza mwero cheISIS mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vanoti Soleimani akaurayiwa nekuti ange achironga kurwisa america.
Asi iran iri kuyambira iran kuti iri kuzodzosera zvakasimba. Soleimani akaurayiwa muIraq umo aishanya nemusi weChishanu. MuAmerica hamuna kuwirirana nezvekuurayiwa kwake. Vamwe vanoti zvakanaka asi vamwe vachiti kuda kutanga hondo isina maturo.
Vanongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaMaxwell Saungweme vanoti hondo pakati peAmerica neIran inoguma yabatabatawo nyika dzemuAfrica dzakawanda dzakaita seSomalia, Libya nedzimwe.
Facebook Forum