Accessibility links

Breaking News

Vamwe muAfrica Votya Kubatanidzirwa Pakunetsana kweAmerica neIran


Mukuru we Quds Force Commander General Qassem Suleimani
Mukuru we Quds Force Commander General Qassem Suleimani

Nyaya yekunetsana pakati peAmerica neIran mushure mekuurayiwa kwaGeneral Qassem Soleimani nemauto eAmerica yave kupa kuti vamwe mune dzimwe nyika muAfrica vatyire kuti vanogona kuzotsokodzerwa sehuswa pakurwisana kwenzou mbiri idzi.

Soleimani aitungamira mauto eQuds force, anoshanda ne Islamic Revolutionary Guard Corps.

General Suleimani ndiye aitungamira zvido zveIran muhondo dziri muIraq, Syria, Lebanon uye kurwisa chikwata chinopfurikidza mwero cheISIS mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vanoti Soleimani akaurayiwa nekuti ange achironga kurwisa america.

Asi iran iri kuyambira iran kuti iri kuzodzosera zvakasimba. Soleimani akaurayiwa muIraq umo aishanya nemusi weChishanu. MuAmerica hamuna kuwirirana nezvekuurayiwa kwake. Vamwe vanoti zvakanaka asi vamwe vachiti kuda kutanga hondo isina maturo.

Vanongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaMaxwell Saungweme vanoti hondo pakati peAmerica neIran inoguma yabatabatawo nyika dzemuAfrica dzakawanda dzakaita seSomalia, Libya nedzimwe.

Hurukuro NaVaMaxwell Saungweme
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG