Accessibility links

Breaking News

VaMutsvangwa Vanoti MDC Alliance Yaparara Iyo Ichiti Zviroto


VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa
VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa

Vaimbove chipangamazano chemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaChris Mutsvangwa vanobvuma kuti pane huori hukuru huri kuitika muhurumende uye bato reMDC Alliance rinotungamirwa naVaNelson Chamisa rave kuparara.

Vachitaura nezuro pamusangano webato reZanu PF weProvincial Coordinating Committee wakaitirwa pachikoro cheChinhoyi High School VaMutsvangwa vakati nyaya yehuori iri kuitika zvakanyanya munyaya dzekutenga mafuta edzimotokari, fotireza pamwe nekuwanisa nyika mari yekunze zvikuru madhora ekuAmerica.

VaMutsvangwa vanoti hapana zvinhu zvinofanirwa kunzi hazvibvunzwe zvine chekuita nemafambisirwo ari kuitwa hupfumi hwenyika.

Vakatiwo pane vanhu vari kurongera mari yenyika vana vaVaMnangagwa ivo vasingazive nokudaro vanhu ivavo vanofanirwa kuferefetwa.


VaMutsvangwa vanoti nyika dzekunze zvikuru dzekumavirira dzaimbotsigira bato rinopikisa reMDC dzave kutaura nehurumende yaVaMnangagwa kuti vemabhizinisi nevarimi vadzoke kuzoita zvemabhizinisi munyika. Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hapana hapo humbowo hwekuti izvi zviri kuitika.

VaMutsvangwa vakatiwo hupenyu hemutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa munyaya dzezvamatongerwo enyika hwasvika kumagumo.

Asi munyori mukuru mubato reMDC Alliance VaCharlton Hwende vanoti bato ravo rakasimba uye harisi kufa zvekumhanya sezviri kutaurwa naVaMutsvangwa. Vanoti kurota vachiyamwa.

VaHwende vanoti ichokwadi kuti hurumende yaVaMnangagwa iri kuda kuparadza MDC Alliance asi vanoti vacharamba vachirwa semvumba.

Nyaya yekusagadzikana kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe yave kukanganisawo kudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika sezvo European Union nehurumende yeAmerica vari kushora hurumende yaVaMnangagwa vachiti iri kudzokera mumashure muhutongo hwejekerere nenyaya yekumbunyikidza kodzero dzevanopikisa.

Nyaya yekutumira mauto nemapurisa kumuzinda weMDC Alliance weMorgan Richard Tsvangirai House iri kunzi nenyika idzi inoratidza kuti Zimbabwe haitevedzeri mutemo.Asi Zanu-PF inoti haine nekurwisana kuri kuitwa nemapato anopikisa.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG