Accessibility links

Breaking News

VaMutodi Vanoti Amai Muchinguri Kashiri Vaiita Nyambo Pavakataura zveCoronavirus


Amai Oppah Muchinguri-Kashiri
Amai Oppah Muchinguri-Kashiri

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaburitsa mashoko anopesena negurukota ravo rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri Kashiri avo vakaudza varwi vehondo yerusununguko kuMashonaland West kuti chirwere checoronavirus chiri kuranga nyika dzavanoti dzakatemera Zimbabwe zvirango.

Bepanhau reHerald rinoti VaMnangagwa havana havo kudoma amai Muchinguri kashiri nezita asi vati zimbabwe inochema nevanhu vari kurasikirwa nehama nekuda kwechirwere ichi.

Vati Zimbabwe inomira nenyika dzose dzawirwa nedambudziko iri kusanganisira China, Iran neItaly.

Hatina kukwanisa kubata Amai Muchinguri Kashiri sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vanoti Amai Muchinguri Kashiri vaingoita havo zvejee. Vati mashoko aAmai Muchinguri Kashiri haataure pamire hurumende panyaya yecoronavirus.

Hurukuro naVaEnergy Mutodi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG