Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Voronga Kubvisa VaNcube Pakuva Gurukora reHuruemnde


Hurumende yemubatanidzwa yave kupindwazve napongwe mushure mekunge mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vati vari kuda kuti vabvise mutungamiri mutsva weMDC diki, VaWelshna Ncube, nevamwe vari kuvatsigira kuti vasave makurukota ehurumende.

VaNcube naVaMutambara vari kunetsana panyaya yekutungamira MDC diki iyi, uye vange vachinetsana panyaya yekuva mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, chigaro chakazoramwirwa vamutambara naVaNcube vhiki rapera.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzayambira kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanogona kuramba kutambira chikumbiro chaVaMutambara.

VaMutambara vanonzi vari kuronga kuita izvi panodzoka VaMugabe kunorapwa kuSingapore. Asi vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vayambira kuti kunetsana uku kunogona kupa VaMugabe nebato ravo reZanu-PF mukana wekuti sarudzo dziitwe nechimbichimbi vachiti hurumende yemubatanidzwa haisi kushanda.

Mutauriri wechikwata chaVaMutambara, VaMorgan Changamire, vanoti VaMutambara vane simba rekuita izvi.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vanoti zviri kutaurwa naVaMutambara zviroto.

XS
SM
MD
LG