Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Voita Nhaurirano neVakuru Vakuru muAmerica


Hurumende yeAmerica yakapazve Zimbabwe mumwe mukana wekuti ipe zvikonzero zvekuti hukama hwenyika mbiri idzi hugadziriswe.

Nhengo dzedare reSenate pamwe nechikwata cheCongressional Black Caucus dzakadaidza mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, kuti vatsanangure kuti Zimbabwe yaitawo zvipi zvingapa kuti nyika mbiri idzi dzisarambe dzakarimirana kumuganhu.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti Zimbabwe haina chinobatika chayaita nekuti chibvumirano cheGlobal Political Agreement hachisati chazadzikiswa.

America nenyika dziri musangano reEuropean Union dzakatemera zvirango zvekufamba kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo nenyaya yekuramba vachityora kodzero dzevanhu, pamwe nekuvhiringidza chibvumirano cheGPA.

VaMutambara vanoti vane chivimbo chekuti hukama neZimbabwe huchagadzirisika.

Zvichakadaro, hurumende iri kutarisirwa kutumira chikwata chevanhu vanomwe eMuvhuro kunoita hurukuro nevakuru vakuru vesangano reEuropean Union, kuitira kuti vaumbiridze hukama hweZimbabwe nesangano iri.

Vari kutungamira chikwata ichi igurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma. Vamwe vari muchikwata ichi igurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvekubatana nenyika dzemumatunhu, Amai Priscilla Misirambwi-Mushonga, uye munyori mubazi rezvekudyidzana nedzinmwe nyika, VaJoey Bimha.

Zanu-PF yainge ichida kuti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaende ku European Union asi VaTsvangirai vanonzi vakati pavo vainge vasakura vakazunza gore rapera, apo vakaparura hwaro hwenhaurirano. VaMangoma vanoti kukurukura kwakakosha zvikuru pakuumba hukama.

XS
SM
MD
LG