Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vodzingwawo Mubato reMDC


Bato remutungamiri mutsva we mdc diki, va welshman ncube, rinoti radzinga mubato iri mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, va arthur mutambara, zvichitevera gakava riri mubato iri pamusoro pechinzvimbo chavamutambara muhurumende.

Mutori wedu wenhau, Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wekomiti huru yebato ravo ye national council, munyori mukuru mu mdc yava ncube amai priscilla misihairabwi mushonga, vati va mutambara havasisiri nhengo ye bato ravo kubva nhasi.

Amai mushonga vati va ncube havasisina hanya nekugadzwa semutevedzeri wemutungamiri wehurumende zvichitevera kuramba kwavati kwakaitwa nemutungamiri wenyika, varobert mugabe, kuti va ncube vatsive va mutambara pachinzvimbo chavo muhurumende.

Amai mushonga vati bato ravo rabudawo nechisungo chekuti chibvumirano chezvematongerwo enyika che global political agreement chivandudzwe kuitira kuti mumwe wemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, abve kubato re zanu pf sezvo vachiti vapa zanu pf va mutambara pachena kuti vave nhengo yebato iri.

Va mutambara vanoti ndivo mutungamiri webato sezvo vachiti vancube havana kusarudzwa zviri pachena asi va ncube vari kuramba vakatsika madziro vachiti vakasarudzwa zvine tsarukano.

Ropa rakaipa pakati pava ncube navamutambara iri ravakupa kuti vanhu vakawanda vabvunze kuti chimurenga chekurwisa zanu-pf chave kuendeswa parutivi here, uko vezvematongerwo enyika vachirwira zvigaro.

Nechitatu, vamutambara, avo vari kuzviti vachiri mutungamiri wemdc diki, vakati vadzinga vancube mubato. Asi nechina vancube vakatiwo vadzinga vamutambara izvo zvopa kuti vamwe vatange kuseka nhamo serugare. Izvi zvopawo kuti vanhu vakawanda vashaye hany’a nezvematongerwo enyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, vamsekiwa makwanya, vanoti vamutambara havana chavakatadza uye hurumende yemubatanidzwairi kufamba zvakanaka. Asi vajob sikhala, vanova mutungamiri wemdc-99, avo vakadzingwawo mubato ravancube navamutambara vanoti vamutanbara vakakokwa mumusangano uyu uye havafanire kuda kuita baba wemusha.

XS
SM
MD
LG