Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vanoti Vadzinga VaNcube Mubato Ravo


Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara, vanoti vadzinga VaWelshman Ncube semutungamiri mutsva webato ravo vachiti ivo VaMutambara ndivo vacharamba vari mutungamiri webato iri.

VaChitaura nevatori venhau muHarare neChitatu, VaMutambara vati kudzingwa kwavaita VaNcube kuchazeiwa ne National Council yebato ravo iyo ichapa chisungo chayo.

Vatiwo kuchinjwa kwanga kwaitwa makurukota ebato iri naVaNcube muhurumende hakuna zvakunoreva nokuti VaNcube havana masimba ekuita izvi.

Vati zvakare ivo VaMutambara ndivo vacharamba vari mutevedzeri wemutungamiri wehurumende.

Kusawirirana kwaVaMutambara naVaNcube kwasvika pachinzvimbo chakaoma sezvo VaNcube vari kupikawo kuti havasi kuzosiya VaMutambara vachiita zvavanoda nebato sezvo vanhu vemubato vakasarudza vatungamiri vavanoda.

VaNcube vati bato ravo riri kusangana neChina kuti rizeye kuzvidzwa kwariri kuitwa naVaMutambara, avo vavati inhengo inoratidza kuti ndeye Zanu PF.

Vatiwo bato ravo rakanyorera VaMutambara tsamba neChipiri vachivaudza kuti Standing Committee yebato ravo yaizokurukura nyaya yezvavari kuita ivo VaMutambara, izvo vati zvinosvibisa chimiro chebato.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaita musangano kwemaawa maviri vachikurukura nyaya yaVaMutambara, vaviri ava vakati vasvitsewo nyaya iyi kuna VaMorgan Tsvangirai, sezvo vari mumwe wevatatu vakanyorerana chibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.


Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Va Dzingai Machingura, vanoti VaMutambara pamutemo handivo mutungamiriri webato diki reMDC, uye zvavaita hazvisi pamutemo.

XS
SM
MD
LG