Accessibility links

Breaking News

VaMukonoweshuro Vanoradzikwa kuWarren Hills muHarare


Eliphas Mukonoweshuro
Eliphas Mukonoweshuro

Vange vari gurukota rezvevashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro, varadzikwa neMuvhuro kumarinda eku Warren Hills muHarare. Zviuru nezviuru zvevanhu kubva kumativi ose enyika vaungana kumarinda aya vachionekana naMuzvinafundo Mukonoweshuro.

Vachitaura pakuvigwa kwaVaMukonoweshuro, mutungamiri wehurumende, zvakare vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vati vanhu vakaita samushakabvu ndivo vanokodzero kuvigwa panzvimbo inovigwa magamba, kana kuti National Heroes Acre nekuti vakarwira nyika ino pamwe nekushandira veruzhinji.

VaTsvangirai vatsanangura VaMukonosweshuro semunhu aishanda nesimba, aiterera pamwe nekuremekedza vamwe. Vatiwo munhu aive neruzivo uye vakati vakavabatsira zvikuru mubato ravo.

VaTsvangirai vati ivo pachavo nebato ravo varasikirwa zvikuru nekushaya kwaVaMukonoweshuro.

Vati VaMukonoweshuro munhu aida runyararo vakati chido chavo chaive chekuti Zimbabwe ikwanise kuita sarudzo dzisina mhirizhonga.

VaTsvangirai vati VaMukonoweshuro ndiye munhu wekutanga wavakasarudza kutungamirira nhaurirano pakati pebato ravo neZanu PF muna 2004.

Vati VaMukonoweshuro munhu angadai akagara zvake muHarare vachidya mari yavo, asi vakazvipira kunomirira vanhu vekumusha kwavo kuGutu South.

Vatauri vakawanda, kusanganisia hutungamiriri hweMDC kwaGutu neMasvingo, hwaratidza kushushikana zvikuru nekufa kwaVaMukonoweshuro hukavarumbidza zvikuru nekubvisa kwavakaita Zanu PF mukumirira Gutu South muparamende.

Sachigaro weMDC T muGutu South, VaJameson Makovere, vati vane chivimbo chekuti bato ravo richawana mumwe mutungamiri akaita saVaMukonoweshuro.

Nhengo dzeparamende pamwe nemakurukota kubva kuMDC T dzange dziri pachiitko ichi uye makurukota matatu chete kubva kuZanu PF vanoti VaWalter Muzembi, VaSaviour Kasukuwere pamwe naAmai Olivia Muchena, ndivo chete vange vari pakuvigwa kwaVaMukonoweshuro.

VaMukonoweshuro vakambosungwa vari pa University of Zimbabwe nyika ichiri kutongwa naVa Ian Smith vakagara mujere kwemwedzi mitatu.
Vakazove mukuru mubazi reSocial Studies paUniversity of Zimbabwe nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Mumakore ekuma Eighties, VaMukonoweshuro vakambosungwa nehurumende yaVaMugabe vakambochengetedzwa kugoromonzi munguva iyo vadzidzi vepa University of Zimbabwe vakanga vachiratidzira vachitungamirwa nevaimbove mutungamiri wevadzidzi, Va Arthur Mutambara, nevamwe vavo. Vakazopinda muMDC payakavambwa muna 1999 vakave chipangamazano chaVaTsvangirai.

Vakaitwa munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC kusvika muna Kubvumbi 2011 apo pakaitwa musangano mukuru weMDC wekongiresi.
Muna 2008 Va Mukonoweshuro vakasarudzwa kuva nhengo yeparamende inomirira Gutu South muparamende.

Vakazogadzwa segurukota rezvevashandi vehurumende pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009.

VaMukonoweshuro, avo vange vave nemakore makumi mashanu nemasere ekuberekwa, vakashaya nechirwere chegomarara nemusi weChishanu kusouth africa.

Vasiya mudzimai, Retsepile nemwana mumwe chete, Bradley Thuso.

XS
SM
MD
LG