Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanopa VaNyikayaramba Nyembe dzaMajor General


Mutungamiri wenyika, uye vari mukuru wemauto, VaRobert Mugabe, vakaisa runyoro rwavo neChina pakukwidziridzwa pabasa kwa Brigadier General Douglas Nyikayaramba, kuti vave Major General.

VaNyikayaramba vave kubva ku 3 Infantry Brigade kuManicaland kwavange vari komanda, sezvo vava Chief of Staff Quartermaster mutsva kuZimbabwe Defence Forces Headquarters muHarare.

Kupihwa nyembe kwaVaNyikayaramba kwakonzera zinyeke nyeke muhurumende yemubatanidzwa sezvo vamwe vari kuti mukuru wemauto uyu aifanirwa kunge akadzingwa basa. VaNyikayaramba vakamboti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakatonga ivo vanobva vaenda pamudyandigere.

VaNyikayaramba munhu anogara achikonzera mutauro munyika. Vakadzingwa mukomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCopac muna Chikumi mushure mekunge vaendeswa ikoko vachinzi chipangamazano che Zanu-PF.

Asi mapato maviri eMDC ari muhurumende yemushandira pamwe akaramba kutambira izvi achiti hapana mushandi wehurumende anofanirwa kuonekwa achiira zvido zvirimwe bato.

VaNyikayaramba vari kupomerwawo mhosva yekusungisa nhengo dzeNDC dzine zvigaro mudare reparamende vachiti dzainge dzaba mbeu pachirongwa cheOperation Maguta. Asi nhengo idzi dzakazochenurwa nematare edzimhosva.

Nhengo dzakawanda dzeMDC kuManicaland dzinoti VaNyikayaramba munhu anogara akakonzeresa mhirizhonga mudunhu iri nemamwe matunhu.

Vamwe muchiuto vasina kuda kutaura nemazita vanoti VaNyikayaramba vanonyanyoita zveZanu-PF. Muna 2002 vakambosiya chiuto vakanoshanda neZimbabwe Electoral Supervisory Commission musarudzo dzinonzi dzakabiridzirwa neZanu PF pakakwikwidza mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai naVaMugabe.

Asi gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti VaNyikayaramba munhu anoshanda nesimba, nokudaro vanofanirwa kuwedzerwa nyembe pabasa.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti VaNyikayaramba vaifanirwa kudzingwa basa kwete kupihwa nyembe.

Asi vanokokera Zanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, varamba mashoko ekuti VaNyikayaramba vanoita zveZanu-PF.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaPhilip Pasirayi, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paOxford University kuBritain, vanoti mauto nemapurisa anofanirwa kuvandudzwa.

XS
SM
MD
LG