Accessibility links

VaMugabe Voyedza Zvakare Kugadzirisa Hukama Hwavo neSouth Africa

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vasimuka munyika neChipiri vakananga kuAddis Ababa kuEthopia kumusangano wekuyedza kugadzirisa nyaya yehondo iri muLibya, vari kutarisirwa kuti vayedze kugadzirisa hukama hwavo neSouth Africa kumucheto wemusangano uyu.

VaMugabe vari kutarisirwa kuita hurukuro nemutevedzeri wemutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Mothnlante, avo vari kumiririra South Africa kumusangano uyu.

Ukuwo muZanu-PF hamuna kuwirirana kuti poitwa sei pakudyidzana neSouth Africa. Vamwe vari kuramba vachinyomba South Africa, asi vamwe vachiti panoda kutauriranwa.

Bepanhau reSunday Mail rinoti mutevedzeri wemutungamiri weZanu-PF, VaJohn Nkomo, nasachigaro webato iri, VaSimon Khaya Moyo, vakanyora tsamba kuna VaZuma vachiti chimwe chipangamazano chavo, Muzvare Lindiwe Zulu, vabviswe pachigaro chekuva nhumwa panyaya yeZimbabwe sezvo vainge vachirerekera kuMDC.

Asi VaKhaya Moyo vaudza Studio7 kuti aya manyepo uye hakuna tsamba yakadaro yakanyorwa.

Mashoko aya atsinhirwawo naMuzvare Zulu avo vatiwo kunyombwa kwavari kuitwa hakusi kuzokanganisa basa ravo ravari kuita.

Vamwe mubato iri vari kukurudzira VaMugabe kuti vataure naVaMonthlante sezvo kutukana neSouth Africa kuri kuzvisikira moto muziso.

Asi vamwe vakaoma musoro vanoti hapana chekunyengerera VaZuma.

Gweta uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaDewa Mavhinga, vanoti Zanu-PF haichazive pfumo royibaya.

XS
SM
MD
LG