Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votsvaga Rutsigiro kuVamwe Vatungamiri veSADC


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari muNamibia kumusangano wemapato akarwa muhondo yerusununguko kuchamhembe kweAfrica kana kuti National Liberation Movements of Southern Africa.

VaMugabe vanonzi vari kusangana nevamwe vatungamiri venyika vachitaura navo kuti vasimbaradze nyaya yekuti dzimwe shanduko dziri kuda kuti dziitwe muZimbabwe neSADC, dzisaitwa.

SADC iri kutarisirwa kuzeya nyaya yeZimbabwe iyi kumusangano wayo wepagore kuAngola neChipiri svondo rinouya.

NeChitatu, VaMugabe vakaita musangano nemutungamiri weNamibia, VaHifikupunye Pohamba, uye neChina vange vachiita mumwe musangano naVaJakaya Kikwete mutungamiri weTanzania.

Mutungamiri weZanu-PF achasanganawo nevamwe vakuru vemapato ari kumusangano uyu anosanganisira SWAPO yekuNamibia, FRELIMO yekuMozambique, ANC yekuSouth Africa, UNIP yekuZambia, pamwe nebato reChama Chamapinduzi rekuTanzania.


Mapato aya anonzi ari kutaura nezvenzira dzekusimbaradza zvaakawana pakurwa hondo yerusununguko uye kutsvaga nzira dzekudzivirira vekunze kuti vasapindire munyaya dzezvematongerwo enyika mudunhu reSADC.

Vechidiki veZanu-PF vakatanga kuenda kumusangano uyu vachitungamirwa nemunyori wezvechidiki muZanu PF, VaAbsolom Sikhosana. Vechidiki ava vanoti SADC iri kushandiswa nenyika dzekunze kuyedza kupidigura hurumende yeZimbabwe.

Vakuru venyika dzemuSADC vari kuenda kuAngola vari kutarisirwa kutaura nyaya yekuti Zimbabwe ivandudze mashandiro emauto ayo uye kuti isaite sarudzo gore rino.

Asi vakaoma musoro muZanu-PF vachitungamirwa nevaimbova gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, vanoti vamwe muSADC vari kushandiswa nenyika dzekunze kunonotsa sarudzo kuitira kuti VaMugabe vatadze kukwikwidza nekuda kwekuti vanenge vanyanya kukwegura.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti havasi kuda kuti nyaya yeSADC itaurwe nezvayo.

Munyori wezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC-T, VaJameson Timba, vanoti havasi kuzodududza shure panyaya yekuti mashandiro emauto avandudzwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti VaMugabe vari kutambisa nguva kana vachifunga kuti vakuru veSADC vachavatsigira rwendo rwuno.

XS
SM
MD
LG