Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votorera Makurukota eMDC Mamwe Masimba


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi neChishanu vakazivisa, kuburikidza nemutemo weStatutory Instruments mubepanhau reGovernment Gazette, kuti vavandudza mashandiro emamwe makurukota ehurumende.

Chiziviso ichi ndechekubvisa mamwe masimba emakurukota eMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Izvi zvinonzi zvaitwa zvakare VaMugabe vasina kusuma VaTsvangirai, pamwe nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, sezvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement' icho chakashandiswa mukuvaka hurumende yemubatanidzwa.

Makurukota eMDC arasikirwa nemasimba anosanganisira gurukota rezvehumizha mukufambiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa, pamwe negurukota rezvevashandi nemabasa, Amai Paurina Gwanyanya Mpariwa.

Masimba atorerwa VaChamisa apihwa gurukota rezve kufambiswa kwezvinhu, VaNichoals Goche, avo vava kuona nezvekufambiswa kwemabasa kuboka rePOTRAZ, pamwe nemakambani eNetOne nePosts and Telecommunication Corporation. Izvi zvanga zviri pasi paVaChamisa.

Masimba atorerwa Amai Gwanyanya Mpariwa apihwa gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa.

VaMugabe vakambobvisa zvakare mamwe masimba aVaChamisa muna Kurume gore rapera vachiapa kuna VaGoche.

Asi VaTsvangirai vakaramba kutambira izvi zvikazosendekwa. VaMugabe naVaTsvangirai vari kunetsana muhurumende yemubatanidzwa pazvinhu zvakawanda. Zvinhu izvi zvinosanganisira humbimbindoga hwaVaMugabe, uho huri kutyora chibvumirano chehurumende iripo.

VaChamisa vaudza Studio7 kuti VaTsvangirai neMuvhuro vachataura zvakasimba naVaMugabe sezvo vasiri kufara nehuzano ndega huri kuitwa naVaMugabe nguva dzose.

XS
SM
MD
LG