Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshandisa Chisimba kuMisa Kutengeswa kweMidziyo yeRBZ


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kutarisirwa kushandisa masimba awo echimbichimbi kana kuti Presidential Powers (Temporary Measures) Act kuti vamise kutengeswa kwemidziyo yebhanga guru renyika reRBZ.

Dare remakurukota rakatenderana kuti rikumbire VaMugabe kuti vaite izvi sezvo vanhu vakawanda vave kushaya vimbo neZimbabwe nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu muRBZ.

Asi vamwe vanoti kushandisa mutemo pasina kuvandudza zvinhu mubhanga iri kupedzera hoko padehwe retsindi.

RBZ ine zvikwereti zvinopfuura US$1 billion uye makambani akawanda nemasangano akatorerwa mari nebhanga iri ave kuenda kumatare achitengesa midziyo yeRBZ kuti vakwanise kuona mari dzavo.

Nekushaya mari RBZ yakapihwa US$10 million chete pakaparurwa hurongwa hwekufambiswa kwemari yenyika kana kuti budget negurukota rezvemari VaTendai Biti.

Doctor Lovemore Madhuku inyanzvi munyaya dzemitemo vari sachigaro weNCA.

Doctor Madhuku vanoti zvinonyadzisa kuti MDC yave kubvumirana naVaMugabe kuti vashandise mutemo unodzvinyirira uye kupa VaMugabe masimba akawandisa.

XS
SM
MD
LG