Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voronga Sarudzo Pasina Bumbiro Idzva


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vave kutarisirwa kukumbira vamwe vakuru venyika dzemu SADC kuti Zimbabwe ikwanise kuti iite sarudzo gore rino kunyange pasina bumbiro idzva remitemo yenyika nekuti hurumende yemubatanidzwa yatadza kushanda.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti Zanu-PF iri kuda kuti VaMugabe pavanoenda kumusangano weAfrican Union kuAddis Ababa kuEthopia vataure nezvenyaya iyi.

Nyanzvi dziri kutungamira Zanu-PF mukunyora bumbiro idzva, kana kuti "technical team", magweta anoti VaGodwills Masimirembwa naVaJacob Mudenda.

Vaviri ava vanoti nyanzvi nhatu dziri kutungamira mumarongerwo ekunyora bumbiro idzva remitemo yenyika vari kukundikana kuita basa ravo nemazvo.

Ukuwo vakarwa muhondo yerusununguko nevamwe vakaoma musoro muZanu-PF vanotiwo komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, ye COPAC, inotofanirwa kusiya basa rairi kuita poitwa sarudzo anenge akunda musarudzo ozonyora bumbiro idzva remitemo.

Vanotiwo Zimbabwe inyika yakazvimirira yoga nekudaro haifanire kuti ipihwe zuva rekuita sarudzo neSADC zvikuru sei kana veMDC vachinzi vari kudhonza makumbo pakunyora bumbiro idzva remitemo yenyika nekutya sarudzo.

Asi veMDC vanoti mashoko eZanu-PF ndeemunhu apererwa nemazano uye achiziva kuti hapana anomuvhotera musarudzo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaJeremiah Bamu, avo vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti pamutemo VaMugabe havana simba rekuita zano ndega panyaya dzesarudzo.

XS
SM
MD
LG