Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voramba Kuvandudzwa kweMauto, Mapurisa neVasori


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti havasi kuzotambira kurudziro yekuvandudzwa kwemapoka anochengetedza runyararo munyika, iyo iri kukurudzirwa neMDC uye ichitsigirwawo nenhumwa dzemuyananisi uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.

Vachitaura nebepanhau reThe Southern Times, iro rakaumbwa neZimbabwe neNamibia, VaMugabe vakati mauto eZimbabwe ari kutambirwa zvakanaka chose kwaari kuita basa ari pasi peUnited Nations, uye kuramba achidzidzisa vekune dzimwe nyika chiratidzo chekuti vari kuita basa rinogutsa.

Mashoko aVaMugabe aya anobuda panguva iyo musangano weSADC watanga muWindhoek, kuNamibia, kunyange hazvo nyaya yeZimbabwe isisakurukurwi kumusangano uyu, sezvo VaZuma vasina kukwanisa kunge vari pamusangano uyu.

Nyaya yeZimbabwe inonzi ichakurukurwa kumusangano uchaitirwa kuSouth Africa muna Chikumi.

MDC iri kukurudzira kuvandudzwa kwemapoka anochengetedza runyararo munyika anoti emapurisa, emauto pamwe neevasori, ichiti akarerekera zvikuru kuZanu PF. Izvi zvinotsigirwa nezvakabvumiranwa muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, icho chakashandiswa mukuumba hurumende yemushandira pamwe.

GPA inoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kuvandudza mapoka emapurisa, mauto pamwe nevasori sarudzo dzisati dzaitwa munyika, izvo zvinonzi zvava kurambwa naVaMugabe nebato ravo.

Masangano akazvimirira ari kukurudzirawo kuti mauto asave nechekuita nesarudzo, zvichitevera mashoko ekuti Zanu PF yakatumira kumaruwa mauto, mapurisa pamwe nevasori mugadziriro yayo yesarudzo dziri kutarisirwa mukupera kwegore rino.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti bato ravo harisi kuzotambira mashoko aVaMugabe aya, uye richakwidza nyunyuto yaro kumasangano akaita seSADC, African Union kana kuUnited Nations chaiko.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vaudzawo Studio7 kuti VaMugabe nebato ravo reZanu PF vanofanirwa kupatsanura mauto kubva mukuita zvematongerwo enyika.

XS
SM
MD
LG