Nhengo yedare re Congress muAmerica, VaDonald Payne, vakapeta rwendo rwavo rwemazuva maviri kuZimbabwe neChishanu asi vachinyunyuta zvikuru nenyaya yekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaramba kusangana navo.
Vamwe vakuru muZanu-PF vasina kuda kudomwa nemazita vaudza Studio7 kuti VaMugabe havana kufara nenyaya yekuti hurumende yaVaBarack Obama haina kubvisa zvirango zvavakatemerwa nehurumende yaivepo yaVaGeorge Bush.
Mutauriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe, VaTim Gerhardson, vanoti VaPayne vakaita musangano nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nevamwe vakuru mumasangano akazvimirara oga.
VaGerhardson vanoti VaPayne vainge vachida kuongorora mashandiro ari kuita hurumende yemubatanidzwa, uye mamiriro akaita nyaya dzehupfumi.
Hurumende yeAmerica pamwe nenyika dziri musangano reEuropean Union, dzakatowedzera negore zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo.
VaBrigs Bomba ndivo Campaigns Director wesangano reAfrica Action. VaBomba vati VaMugabe vanogona kunge vakafuratidzwa moyo neAmerica asi maitiro avo handiwo anotarisirwa kumukuru wenyika.