Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voomeserwa neSADC Yagara Yakavatsigira


Nyaya yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu-PF, yekuti SADC Summit isatambira zvisungo zveSADC Troika yakaitwa kuLivingstone, Zambia, uye kuti chikwata chamutongi gava uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, chibviswe inenge yarova mudhuri.

Vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSADC uye vanoshanda kuhofisi yeSADC Secretariat vanoti vari kukatyamadzwa zvikuru nedanho rotorwa neZanu-PF ravanoti rakananganana nekuda kupatsanura mubatanidzwa weSADC.

VaMugabe vakatumira nhumwa dzavo dzinosanganisa mutevedzeri wavo, VaJohn Nkomo, nemakurukota mana ehurumende kunyika dzakaita seAngola, Mozambique, Nambia, Tanzania, DRC, Zambia, Seychelles nedzimwe vachinoudza nyika idzi kuti zvakabuda kuLivingstone zvisatambirwe neSADC Summit ichaitwa kuSouth Africa musi wa 11 Chikumi.

Zanu-PF iri kutumirawo chikwata chevanozviti vanomirira masangano akazvimirira oga pasi pesangano reAll Africa Association richitungamirwa nenhengo yebato iri, VaGoodson Nguni.

VaNguni vari kutaurawo nyaya imwe chete vachiti zvekuda kuomesera Zimbabwe zvoitwa neSADC mucherechedzo wekuti iri kushandiswa nevarungu.

Asi vanoona nezvekudyidzana kwenyika muSADC vaudza Studio7 kuti zviri kuitwa neZanu-PF kupedza nguva kuteya nzou neriva.

Vati vaneta nenyaya yeZimbabwe nekudaro havasi kuzoramba vachibata VaMugabe sekacheche zvinhu zvichiipa munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti VaMugabe havangakwanise kuchinja pfungwa dzeSADC sezvo vatungamiri vanetawo navo.

XS
SM
MD
LG