Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vonyunyuta neKunyimwa Mavhiza kweMamwe Makurukota Avo


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vakakanzura rwendo rwekuenda kumusangano weInternational Telecommunications Union kuGeneva, Switzerland mushure mekunge mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, nemamwe makurukota avo vanyimwa mavhiza nehurumende yeSwitzerland.

VaMugabe negurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa, ndivo chete vainge vapihwa mavhiza ekuenda kumusangano uyu waitanga neMuvhuro uchipera neChina.

Asi gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaNicholas Goche, mukuru wevasori muhofisi yaVaMugabe, VaHappyton Bonyongwe, munyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, uye Assistant Commissioner Martin Kwainona, vakanyimwa mavhiza .

Switzerland inoti yakaitawo painogona napo ikapa VaMugabe vhiza asi yati yakanyima vamwe vanhu vakatemerwa zvirango zvekufamba.

Zimbabwe yabva yatumira tsamba yenyunyuto kuvakuru vose vemu United Nations neve ITU ichiti musangano uyu wakarongwa neUnited Nations nekudaro nyaya yezvirango iyi haishandi.

VaCharamba vaudza bepanhau reHerald kuti Switzeraland, pasi pemutemo weUnited Nations, haina simba rekuudza Zimbabwe vanhu vainofanira kutumira kumisangano yeUnited Nations. Ukuwo VaMumbengegwi vaudza vatori venhau muHarare kuti zvaitwa ne Switzerland hazvisi pamutemo.

Asi mutauriri weITU, Muzvare Sarah Parkes, vati ivo chavo kukoka vanhu kumusangano asi havana masimba ekuti vanhu ava vapihwe mavhiza. Zimbabwe yakazotumira hayo munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, nevamwe kumusangano kunomiririra nyika.

Pane mashoko ekuti VaChamisa vakarambidzwa naVaMugabe kuenda kumusangano uyu. Asi VaChamisa vati hakuna akavamisa kuenda kuGeneva vachiti vainge vaine basa rebato ravo.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvaitwa neSwitzerland zvakanaka nekuti zviri kubatsira kuchengetedza mari yenyika sezvo nzendo dzakadai dziri kunzi dziri kudya mari yakawanda yenyika.

Mwedzi wapera, VaMugabe nemakurukota avo vanonzi vakashandisa mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu yekufamba iyo nyika ichinzi haina mari.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaClifford Mashiri, vanoti zvaitwa neSwitzerland hazvina kuipa nekuti inyika yakazvimirira.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoshanda yakazvimirira, VaLivingistone Dzikira, vanoti Switzterland zvayaita hazvina maturo uye iri kushandiswa nenyika dzakaita seAmerica.

XS
SM
MD
LG