Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vonetsana Zvakare neSADC


Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe, dzinoti hapana kudududza shure kuchaitwa panyaya yekutumira nhumwa nhatu kubva kunyika dziri muSADC Troika kuti dzinoshanda nesangano reJOMIC mukuongororora kana chibvumirano cheGlobal Political Agreement chiri kutevedzerwa.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti hapana kudzokera shure panyaya yekutumira nhumwa kuZimbabwe.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati nemusi weChishanu havasi kuzobvuma kuti nhumwa dzeSADC idzi dzipinde munyika vachiti SADC yave kuda kupindira mukutongwa kweZimbabwe.

Hondo pakati peSADC neZimbabwe inenge iri kuramba ichiendererawo mberi. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mwedzi wapera, munyori mubazi rezvekufambiswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, vakanyorera tsamba Muzvare Zulu vachivaudza kuti munhu asingatevedzeri gwara apo vakanyora tsamba kugurukota rezvekufambiswa kwemashoko, VaWebster Shamu, vachigunun’una kuti veZimbabwe Media Commission vainge varamba kuita musangano navo.

Mutsamba yavo VaCharamba vanonzi vakati Muzvare Zulu havaifanira kuenda kuZMC vasati vataura nehurumende zvikuru bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo harisi kuzobvumidza nhumwa dzeSADC Troika kuti dzishande neJOMIC.

Asi mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati mashoko eZanu-PF ndeekutya sarudzo.

Mumwe wevanomirira MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube munhaurirano, VaMoses Mzila Ndlovu, vanoti vari kushamiswa nemashoko eZanu-PF nekuti yakatombotenda kuti vanhu ava vapinde munyika kare.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, VaJohn Makumbe, vanoti Zanu-PF iri kuda kuhwanda nemumwe.

XS
SM
MD
LG