Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vonanga kuUnited Nations kuNew York


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kusimuka munyika neMugovera vakananga kuNew York kumusangano weUnited Nations General Assembly.

Zvange zvave kutyirwa kuti rwendo urwu rwungangonetsa sezvo vatyairi vendege vari kuramwa mabasa.

Asi vamwe vakuru mubazi rezvekudyidzana kwenyika vaudza Studio 7 kuti Air Zimbabwe yakumbira mumwe mutyairi kuti aende navamugabe kuNew York, akabvuma kuita izvi. Kunyange VaMugabe vakatemerwa zvirango zvekusapinda muAmerica, vanotenderwa havo kana vari pabasa reUnited Nations.

Asi havatenderwi kuzoenda kune dzimwe nzvimbo muAmerica. VaMugabe, vachitsigirana neSouth Africa, vari kutarisirwa kukurudzira nyika dzekumawirira kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo vanodarika mazana maviri.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, Amai Maite Nkoana-Mashabana, vaudza vatori venhau muSouth Africa kuti nyika yavo ichataura kumusangano weUnited Nations uyu kuti zvirango hazvisi kushanda uye ngazvibviswe.

VaTrevor Maisiri inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vanoti vanhu vari keunda naVaMugabe vanosvika makumi manomwe vakawandisa sezvo nyika isina mari.

XS
SM
MD
LG