Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokurudzirwa Kumbomira Kuita Sarudzo


Mapato ezvematongerwo enyika pamwe nemasangano akazvimirira oga abatana mukukurudzira uye kumanikidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti varege kuita sarudzo gore rino sezvavari kuramba vachitaura.

Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dziri muZimbabwe pari zvino, dziri kukurudzirawo VaMugabe nebato reZanu-PF kuti vatange vaita zvose zviri kudiwa mukuumba hwaro hwesarudzo, vasati vadaidzira sarudzo idzi.

Nhumwa dzaVaZuma idzi dzakasangana neJOMIC neChipiri, uye neChitatu dziri kusangana neMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, dzozoita hurukuro neMDC-T neChina.

Nekune rimwe divi, masangano akazvimirira oga atumirawo nhumwa kusangano reEuropean Union, achipa kurudziro yekuti vaudzewo VaMugabe kuti vamire kumhanyirira kuita sarudzo.

Masangano akazvimirira oga aya akaita musangano neSecretariate yeSADC svondo rapera achipawo kurudziro imwe cheteyo.

Mutauriri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti vari kuda grwara rakajeka resarudzo kubva kuna VaZuma.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti vari kurwa chimurenga cheshanduko vanofanira kubatana kuti VaMugabe vatirimuke.

XS
SM
MD
LG