Accessibility links

VaMugabe Vokurudzira Venhau Kuti Vasiyane NavaTsvangirai

  • Violet Gonda

Mutungamiriri wenyika, vaRobert Mugabe, nezuro vakatsigira mutungamiri wehurumende, vaMorgan Tsvangirai, vachiti vatori venhau havafaniri kupindira munyaya dzevanhu dzisinei nekutongwa kwenyika.

Mutungamiriri wenyika, vaRobert Mugabe, nezuro vakatsigira mutungamiri wehurumende, vaMorgan Tsvangirai, vachiti vatori venhau havafaniri kupindira munyaya dzevanhu dzisinei nekutongwa kwenyika.

VaTsvangirai vanga vachishoropodzwa nevazhinji pamusoro pekuroora kwavo muzvare Locadia Karimatsenga Tembo, avo vavakati nezuro havachavadi.

VaMugabe vakati varume vane mvumo yekuroora vakadzi vavanoda.

Mashoko avaMugabe haana kufadza madzimai munyika . Madzimai vari kuti vaMugabe havafaniri kutsigira zviri kuitwa nava Tsvangirai, kunyanya pazuva reWorld AIDS Day.

Muzvare Betty Makoni vanorwira kodzero dzevanhukadzi vaudza Violet Gonda we Studio 7 kuti zvakataurwa navaTsvangirai nezuro zvinodzikisira madzimai nenyaya dzekurorana.

Amai Yvonne Mahlunge Gwashawanhu anorwirwa kodzero dzevanhu kadzi uye umwe vakaumba bato reMDC ati anomira navaTsvangirai, vachiti masangano emadzimai haana kuumbwa kubatsira vanhu vakaita vana muzvare Tembo ane mari yekuzvibatsira kana varambana nevarume avo.

(She supported the Prime Minister saying the women’s movement was not put forward so that it can help wealthy women, like Tembo, whose relationships have ended poorly).

Vati zvinoshamisa kuti vaMugabe vakataura kuti wano tsigira vaTsvangirai, nekuti wasori vanga vapedza basa kare.

XS
SM
MD
LG