Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voendazve Kunorapwa kuSingapore


Hurumende inoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasimuka munyika neChina vakananga kuSingapore kuti vanotariswa zvakare ziso ravo rinonzi rakabviswa tsanga pavaiva pazororo kuSingapore muna Ndira.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, uye vari mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vaudza bepanhau reHerald kuti VaMugabe vari kungonotariswa kekupedzisira sezvinodiwa navana chiremba kana munhu abviswa tsanga. VaCharamba vatiwo VaMugabe vachadzoka munyika neSvondo.

Aka ndekechitatu VaMugabe vachienda kuSingapore. Mwedzi wapera, VaMugabe vakaenda zvakare kuSingapore kunovhenekwa ziso ravo zvichitevera kuoparetwa kwavakaitwa muna Ndira. Pakarapwa VaMugabe kuSingapore muna Ndira, VaCharamba naivo VaMugabe mbune, vakaramba kuti vairwara. VaMugabe pavakadzoka kuzororo ravo, vakaudza vatori venhau kuti vainge vakasimba zvikuru, uye havana kana kumborapwa pavakanga vari pazororo.

Vamwe vanoti nyaya yehurwere hwaVaMugabe haisiri yetsanga chete, asi kuti pane zvimwe zvisiri kutaurwa pachena nehurumende.

Nyaya yekubuda kwaVaMugabe vachienda kunze yave kukanganisawo mabasa ehurumende sezvo dare remakurukota risingasangane kana vasipo. Vana chiremba vakawanda vanoti kubvisa tsanga chete chinhu chisinganetsi kuita muZimbabwe, sezvo zvisingatore nguva yakawanda.

Nyanzvi munyaya dzekurapa maziso, Dr Solomon Guramatunhu, vanoti nyaya yekubviswa tsanga haitori nguva yakareba, uye zvinhu zviri kuitwa munyika.

Muzvinafundo paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanotiwo zvakakosha kuti vanhu vazive nezvehutano hwemutungamiri wenyika.

XS
SM
MD
LG