Accessibility links

Breaking News

VaMugabe, VaTsvangirai naVaNcube Vokurudzira Nyika Kuti Ibatane


Vatungamiriri vemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa vakasangana neChishanu vachikurudzira vatsigiri vemapato avo kuti vasiyane nemhirizhonga kuitira kuti nyika ikwanise kufambira mberi murunyararo.

Vatungamiri ava ndiVaRobert Mugabe, mutungamiri weZanu PF, VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri weMDC huru, pamwe naVaWelshman Ncube, mutungamiri weMDC diki.

Musangano uyu unotevera mhirizhonga iri kuitika munyika. Vachitaura pamusangano wekuzeya mhirizhonga, uyo wakapindwa nenhengo dzemakomiti epamusoro ezvikwata zviviri zveMDC neZanu-PF, VaTsvangirai, avo vanova mutungamiri wehurumende, vakati musangano uyu wakakosha sezvo waive wekuedza kupedza mhirizhonga iyo yatekeshera munyika.

VaTsvangirai vakatiwo zvakakosha kuti mapato ese aone kuti mharidzo yekumisa mhirizhonga yasvika munzvimbo dzose dzinogara vanhu kuitira kuti munyika musarambe muchiita mhirizhonga.

Vakati zvakakosha kuti avo vanenge vakonzera mhirizhonga, varangwe nemitemo yenyika. VaTsvangirai vakatiwo mapurisa, mauto, vasori nevose vanochengetedza runyararo, vanofanirwa kudzivirira mhirizhonga, uye kusunga avo vanoitanga zvisinei kuti ndeve bato ripi.

VaNcube, avo vanova gurukota rezvemaindasitiri, vakatiwo musangano weChishanu wakange uine chinangwa chekuratidza veruzhinji kuti vatungamiriri vemapato aya vari kushanda pamwe chete uye ivo vanotarisirwa kuita zvimwe chetezvo.

VaMugabe, avo vanova zvakare mutungamiri wenyika, vakatiwo munyika munofanira kuve nerunyararo uye zvizvarwa zveZimbabwe hazvifaniri kurwisana nekuda kwenyaya dzematongerwo enyika kana nyaya ipi zvayo.

VaMugabe vakati vanhu vanofanira kuregwa vachiita misangano yavo uye vemapato ezvematongerwo enyika vanofanirwa kusiyana nekatsika kekumanikidza vanhu kuenda kumisangano yavo.

Pachichemo chezvikwata zveMDC chekuti mapurisa haasi kusunga vanhu vari kukonzera mhirizhonga, VaMugabe vakareverera mapurisa aya vachiti ari kuita basa rawo nemazvo.

Mumashoko avo ekutenda vatungamiriri ava, munyori mukuru muMDC yaVaTsvangirai, VaTenda Biti, vakati chasara kuona zviito zvevakuru ava kuti vachatevedzera here zvavataura.

Kunyange hazvo vakuru ava vakamboshora mhirizhonga vachiti inofanirwa kumiswa, mhirizhonga, zvikurusei yezvematongerwo enyika, iri kuramba ichiitika mumatunhu akasiyana munyika.

Zvichikadai, pamboita kupopotedzana pakati pemapurisa nenhengo dzechikwata cheMDC inoti inotungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, icho change charambidzwa kupinda musangano uyu. VaMutambara pachavo havana kupinda mumusangano uyu.

Imwe nhengo yeMDC-T inomirira Mbare muparamende, VaPineal Denga, vanoti mapurisa kana asiri kusunga vanhu hapana chingabatsire pakuita misangano yakadai.

Veruzhinji munyika vari kutambira mashoko ekuti mumhirizhonga inonzi iri kuitika munyika, inenge ichikokerwa negurukota rezvevechidiki, VaSaviour Kasukuwere.

VaTsvangirai vakatiwo vane humbowo hwekuti VaKasukuwere vane chekuita nemhirizhonga yakaitika ku Chitungwiza neSvondo. Asi VaKasukuwere vanoti aya manyepo.

Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaNcube, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, vanoti musangano waitwa uyu wakakosha.

Nyanzvi inoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika yakazvimirira, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanotiwo vematongerwo enyika vanofanira kuzadzisa zvirevo kwete kungotaura chete.

XS
SM
MD
LG