Accessibility links

Breaking News

VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara Voyedza Kupedza Misariridzwa yeGPA


President Robert Mugabe, centre, shares a light moment with Morgan Tsvangirai, left, Zimbabwe's Prime Minister and his Deputy, Arthur Mutambara after giving their end of year message to the nation, at Zimbabwe House in Harare, Wednesday, Dec. 23, 2009. Th
President Robert Mugabe, centre, shares a light moment with Morgan Tsvangirai, left, Zimbabwe's Prime Minister and his Deputy, Arthur Mutambara after giving their end of year message to the nation, at Zimbabwe House in Harare, Wednesday, Dec. 23, 2009. Th

Vatungamiri vatatu vehurumende yemubatanidzwa vatenderana kuti vabude nezvisungo zvinobatsira kuti misariridzwa iri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, izadzikiswe kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

Vatatu ava vakasangana neMuvhuro muHarare vachizeya zvainge zvabuda kumusangano weSADC wakaitwa svondo rapera kuAngola. Musangano weSADC unonzi wakashora zvikuru zviri kuitika muZimbabwe zvekutadza kuzadzikisa zvinhu zvavakatenderanwa kare.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vakatenderana kudaidza komiti yeparamende iri kuktungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC nemakurukota ane mabasa asina kupera munyaya yeGPA kuti vauye kuzotaura zviri kumisa basa ravo.

Vari kutungamira mapato matatu munhaurirano vanoti vaita zvose zvavanogona uye vageza maoko saPirato zvasaririra zvave kutoda vatungamiri vatatu ava pamwe nemutongi gava, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, kuti vazadzikise.

VeZanu-PF vanoti VaMugabe vanogona kuita sarudzo gore rino pasina kuzadzikiswa zviri muGPA.

Asi vachitaura mudare reparamende neChitatu, VaTsvangirai vakati VaMugabe havana simba rekuita zano ndega pasarudzo uye vakatotendawo kudaro kuSADC.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti chinoda kutanga chagadziriswa inyaya yezvirango pasati patangwa zvimwe.

Asi VaMutambara vanoti zvinokwanisika kuita sarudzo chero nguva kana vatungamiri venyika vakawirirana nekukasika pane misariridzwa yose.

XS
SM
MD
LG