Accessibility links

VaMugabe Votsvaga Rutsigiro rweAfrican Union Kuti Sarudzo Dziitwe Gore Rino

  • Violet Gonda
  • Blessing Zulu

Bato reZanu-PF rinoti riri kutumira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vanokurudzira African Union kuti itendere Zimbabwe kuti iite sarudzo gore rino.

VaMugabe vari kutarisirwa kupinda mumusangano wevatungamiri venyika dziri musangano reAU kuAddis Ababa, Ethopia kutanga nemusi weSvondo.

Mumashoko ayo kuvatori venhau, Zanu-PF inoti AU haifanire kuteerera mashoko eMDC ekuti munyika hamungaitwe sarudzo nekuti zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo.

Mutauriri veZANU PF, VaRugare Gumbo, vanoti MDC iri kushanda nemasangano akazvimirira oga kuti ivhiringidze sarudzo.

Zanu-PF inoti mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe, vachatura gwaro remamiriro akaita zvinhu muZimbabwe kuAU.

Asi chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti VaZuma havana hurongwa hwakadai. Vati VaZuma vangangosangana nevamwe vatungamiri veSADC Troika ndokunge vaita mukana.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vanoti sarudzo dzinoitwa pasina kugarisana dzinobudisa kutaudzana nekuvhiringidza zvinhu sezvakaitika pasarudzo yemuna 2008.

Nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaJeremiah Bamu, vanoti Zanu-PF haikwanisi kuti ingodaidzira sarudzo pasina kuwirirana nemamwe mapato.

Vamiriri vemasangano akazvimirira ega mu Zimbabwe vari kumusangano we African Union vari kukurudzirawo vatungamiriri vemu Africa kuti vakurudzire VaMugabe, VaTsvangirai naVa Ncube kuti nyika iite sarudzo chete kana hurumende yazadzisa zvainofanirwa kuitwa pasi pechibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kwe Africa, Va Dewa Mavhinga, vanoti zvinhu zvinofanirwa kutanga zvagadziriswa pasati paitwa sarudzo.

XS
SM
MD
LG