Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanotuka European Union neAmerica kuHeroes Acre


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vashora zvakare nyika dzemu European Union pamwe neAmerica vachidzipomera mhosva yokushungurudza vanhu vemuZimbabwe nekuramba kwadziri kuita kubvisa zvirango zveupfumi, izvo zvavati nyika idzi dzakatemera Zimbabwe.


Vachitaura vari paHeroes Acre muHarare pazuva rekucherechedza magamba akafira nyika, VaMugabe vashora zvikuru nyika idzi, vachiti nyika idzi dzinenge dzine chido chokuramba dzichirwadzisa vanhu vemuZimbabwe nokuramba kubvisa zvirango izvi:

VaMugabe vakuridzira vanhu vemuZimbabwe kuti vabatane mumapato ezvematongerwo enyika, mudzisvondo nedzimwe nzvimbo, uye kuti vasiyane netsika yekurwisana.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti VaMugabe vava kutaura nyaya yekubatana mumapato nekuti mubato ravo mune makakatanwa makuru

VaMugabe vatiwo hurumende yavo yakazvipira kuzadzikisa chibvumirano che Global Political Agreement. Vati vanotarisira kuti basa rekunyorwa patsva kwebumbiro idzva remitemo yenyika, richafamba zvakanaka, zvobatsira mhuri yeZimbabwe kuti ichengetedze nhaka yayo.


PaHeroes Acre paradzikwa magamba anokwana makumi mapfumbamwe nemaviri.

Vachitaurawo pazuva iri vari kwaMutare, gavhuna weManicaland, VaChris Mushowe, vanoti Zimbabwe ichange yave kutengesa mangoda ayo, izvo zvichapa kuti imire nemakumbo ayo, kwete kupona nekupemhwa.

XS
SM
MD
LG