Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Zvirango Zvokanganisa Kuvandudzwa kweMauto


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti kushaikwa kwemari nezvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe zviri kukanganisa mabasa emauto munyika. VaMugabe vati vanotenda chose shamwari dzavo dzekuChina nerubatsiro rwadziri kupa kumauto eZimbabwe.

VaMugabe vataura mashoko aya pazuva rekucherechedza mabasa anoitwa nemauto. VaMugabe, vanove zvakare mukuru wemauto, kana kuti Commander-in-Chief veZimbabwe Defence Forces, vataura mashoko aya muHarare kuNational Sports Stadium.

VaMugabe vati nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango dzinofanira kuzvibvisa sezvo zviri kuomesera veruzhinji pamwe nehupfumi wenyika. Vati Britain nedzimwe nyika dzakavatemera zvirango zvehupfumi, dzinofanirwa kusiyana neZimbabwe sezvo iri nyika inoda zverunyararo.

VaMugabe vatenda China nekubatsira mauto eZimbabwe nenzira dzakasiyana siyana dzakaita sekupa chikwereti cheUS$97m chekuvaka chikoro cheNational Defence College muHarare pamwe nekupa rubatsiro rwekuvaka dzimba dzemauto kuDzivaresekwa

VaMugabe vatendawo China nekupawo rubatsiro munyaya dzehutano kuuto reZimbabwe.

Varumbidza mauto nemabasa aakaita mune dzimwe nyika pasi peUnited Nations pamwe nemabasa aakaita mukubatsira veruzhinji pasi pezvirongwa zvakaita seOperation Maguta.

Mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mumwe wevatevedzeri vavo, VaArthur Mutambara, pamwe nemakukurukota kubva kuMDC, vakapindawo mumhemberero idzi.

Zimbabwe Defence Forces yakaumbwa makore makumi matatu nerimwe apfuura kubva kunhengio dzeZimbabwe National Libertation Army kana kuti ZANLA, Zimbabwe People’s Revolutionary Army kana kuti ZIPRA, pamwe nemauto akashanda munguva yeRhodesia.

Munyika muri kuita mutauro wakanyanya panyaya yemauto sezvo vakuru vakuru vakawanda vemauto, vachitsigirwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutaura mashoko anonzi nevakawanda ari kuratidza kutsigira Zanu-PF uye kuzvidza mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Vamwe muZanu PF vanoti VaTsvangirai havafe vakatonga nyika sezvo vasina kuenda kuhondo.

Zvinonzi neChipiri pange patenderanwa nevakuru vemapato kuti zvekunyombana zvimbomira uye vanhu vasapfeke hembe dzemapato avo.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti VaMugabe havafanire kutora mazuva anoremekedzwa nenyika seebato reZanu-PF.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaClifford Mashiri, vanoti mashoko aVaMugabe ekunyomba Britain neAmerica haana nematuro ose.

XS
SM
MD
LG