Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanovhura Musangano Mukuru weBato Ravo Vachituka MDC neBritain


Mutungamiri weZanu-PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaparura neChishanu zviri pamutemo musangano mukuru webato ravo unoitwa kamwe chete pamakore mashanu.

VaMugabe vaparura musangano uyu vachituka bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe nekushoropodza zvikuru makakatanwa ari mubato ravo, ayo vati ndiwo akakonzera kuti Zanu-PF ikundwe musarudzo dzegore rapera.

VaMugabe vatora mukana uyu kushorawo MDC vachiti zvairi kuda kuita zvekuti mubati wehomwe mubato iri, VaRoy Bennett, vaitwe mutevedzeri wegurukota rezvekurima, hazvina nemusoro wose. VaMugabe vati kunyange hazvo VaBennett vakaberekerwa munyika, havasi munhu mutema, nokudaro havafanirwe kunge vari muhurumende yeZimbabwe, nekuti vabereki vavo vauyi.

Vati MDC inofanirwa kuziva kuti nyika ndeyevanhu vatema. Vatorawo mukana uyu kunyomba munyori mukuru muMDC, uye vari gurukota rezvemari, VaTendai Biti, avo vavati vari kurambira mari yakabva kuInternational Monetary Fund, kuti ishandiswe mukutengera vanhu mbeu nefotereza.

Vati zvakare bato ravo harisi kufara nezviri kuitwa neMDC, iyo vati yakaumbwa neBritain kuitira kuti ibvise hutungamiri hweZanu PF. VaMugabe vati MDC yakabvuma kuti ichaona kuti zvirango zvakatemera nyika nenyika dzekumadohera, zvabviswa, asi izvi hazvisati zvaitika.

Chief whip weZanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vanoti mashoko ataurwa naVaMugabe ekuti MDC inoshandiswa neBritain, haangakonzere kusawirirana munyika nekuti hukama hweMDC neBritain, zvinhu zvinozivikanwa nemunhu wese.

Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti VaMugabe vari kupedza nguva vachituka MDC imo mubato mavo muine hondo. VaChamisa vatiwo bato ravo rakaumbwa nevanhu vemuZimbabwe, kwete manyepo ari kutaurwa naVaMugabe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo VaMugabe havafarire kuona vachena vachidyidzana nebato risiri ravo, izvo zviri kupa kuti vaite godo nekudiwa kunoitwa VaBennett nezvizwarwa zvenyika.

Nyanzvi idzi dzinotiwo VaMugabe vaizvirova dundundu apo vaive nemakurukota echichena akaita sevaimbove gurukota rezvehutano, Dr Timothy Stamps, vakamboitwa gurukota rezvekurimwa, VaDennis Norman, vakambove gurukota rezvemhando dzemoto, VaChris Andersen, vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaJoe Kay, nevamwe vachiti Zimbabwe yaive nyika yemushandira pamwe wemarudzi.

VaMugabe vari kuramba vakati nanga nanga naVaBennett vachiti nyika haisi yevarungu, asi vari ivo zvakare vakagadza VaDavid Coltart, murungu ari muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, segurukota rezvedzidzo. VaMugabe havana kutaura nezvaVaColtart pavanga vachinyomba VaBennett, avo vakatorerwa mapurazi avo nehurumende, vakasiiwa vangova musvo chete.

Nyanzvi idzi dzinotiwo VaMugabe havafanirwe kushamiswa nemvungamupopoto iri mubato ravo, nokuti ndivo vari kukonzeresa makakatanwa aya.

VaPedzisai Ruhanya vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis In Zimbabwe Coalition. VaRuhanya vanoti VaMugabe vakatadza kugadzirisa nyaya yekuti ndiyani achavatsiva mubato ravo, Zanu PF ichaparara zvachose. Vatiwo kusabva pachigaro kwaVaMugabe ndiko kuri kupa kuti mubato iri muve nemutauro mukuru.

Sachigaro weManicaland muZanu PF, VaBasil Nyabadza, vakasiya basa vachiti havasi kufara nehudzvanyiri huri mubato iri, zvichitevera kurambwa kutambirwa kwevanhu vakasarudzwa nematunhu kuti vapinde mu Central Committee yebato iri.

Zvinonzi pane kugunun'una kukuru mumatunhu anoti Manicaland, Mashonaland West, Masvingo neMatabeleland North, ayo asiri kufara nezvakaitika muhurongwa hwekusarudza hutungamiri hwebato iri.

VaMugabe vakatotsigirwa kare kuti varambe vari mutungamiri webato iri, uye ndivo vachamirira Zanu PF musarudzo dzinoitwa mukati memakore mashanu. Vamwe vakatsigirwa kuti varambe vari pachigaro, mutevedzeri waVaMugabe, Amai Joice Mujuru, avo vacharamba vari pachigaro chavo.

Bato iri rakatsigirawo sachigaro waro, VaJohn Nkomo, kuti vatore basa rakasiiwa namuchakabvu Joseph Msika, avo vakashaya muna Nyamavhuvhu. Mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, VaSimon Khaya Moyo, ndivo vakatsigirwa kuva sachigaro mutsva webato iri.

Asi pave nemutauro mukuru, sezvo vamwe vekumatunhu eMasvingo neManicaland, vari kuchema nerekuti hutungamiri hwepamusoro soro mubato iri, hwazara nevanhu vanobva kuMashonaland neMatabeleland, Masvingo neManicaland, dzichisara dzakabata chimuti.

Vanoziva zviri kuitika mubato iri vanoti pachava nekutaura kukuru neMugovera apo zvigaro zvichange zvopihwa vanhu zviri pamutemo.

XS
SM
MD
LG