Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Hapana Kudzokera Shure paNyaya yeKuendesa Hupfumi kuVatema


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vemakambani ekunze vasiri kuda kupa hurumende zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana, vanofanira kubuda munyika kana kuti makambani awo achaiswa pasi pehurumende.

VaMugabe vanoti hapachina nguva yekuramba vachiita hwakiti nagonzo nevemakambani ekunze aya.

Mutungamiri wenyika havana kutaura kuti hurumende inotora sei makambani kuisa pasi payo sezvo pasina mutemo unoitendera kudaro. VaMugabe vati vana veZimbabwe vari kunonga svosve nemuromo asi vachena vachidya mafuta enyika.

VaMugabe vataura mashoko aya kuGwanda kwavange vachiparura chirongwa cheGwanda Community Share Trust kuCollen Bawn makiromita zana nemakumi matatu kubva muguta reBulawayo.

Makambani anosvika makumi maviri kusanganisira Blanket Mine, Jersey Mine neFazik Mine ndiwo akaumba homwe yaparurwa naVaMugabe iyi, iyo ine mamiriyoni gumi emadhora.

VaMugabe vange vaine makurukota avo eZanu-PF anoti gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, pamwe negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo.

VaMugabe vazivisawo kuti vachadzoka kunzvimbo iyi munguva yesarudzo vachiti vanhu vanofanira kuvhotera Zanu-PF.

Asi gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaTapiwa Mashakada veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vanoti zvoitwa izvi zvinopa kuti vekunze vasauye munyika kuzotanga zvemabhizimisi.

VaMashakada vanotiwo zvinoshamisa kuti chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema chava kutorwa sechirongwa cheZanu PF, asi chiri chirongwa chehurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG