Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti GNU Ngaipetwe Muna Kukadzi Poitwa Sarudzo


Zimbabwean President Robert Mugabe looks on during Defense Force Day Commemorations in Harare, (file photo - 10 Aug. 2010)

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kupera muna Kukadzi gore rinouya, sezvakabvumiranwa muchibvumirano cheGlobal Political Agreement. VaMugabe vakatiwo sarudzo dzinofanirwa kuitwa gore rinouya sezvo kugarisana muhurumende yemubatanidzwa kuri kunetsa.

Vachitaura pamusangano wevechidiki mubato ravo neChina, VaMugabe vakatora mukana uyu kushora mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nekupira kwavakaita nyaya yekunetsana kwavo kuUnited Nations nekuEuropean Union, vachiti VaTsvangirai vakafukura hapwa paruzhinji.

VaTsvangirai vakanyora tsamba kuUnited Nations nekunyika dzemu Euroepean Union vachiti havasi kufara nekudomwa kwakaitwa vamiriri veZimbabwe kunyika nemasangano aya.

Asi mutauriri wemunyori mukuru weUnited Nations, VaFaran Haq, vati pari zvino havana zvavangaite nemashoko aVaTsvangirai. Asi vati United Nations inoda kuti chibvumirano cheGPA chiremekedzwe nemapato ose ari muhurumende.

Asi nhengo dzeparamende muEU dziri kukurudzira kuti vanhu vakadomwa naVaMugabe vega, vasatambirwe nenyika dzavanomirira musangano iri.

VaTsvangirai vakatiwo havasi kufara nenyaya yekuti VaMugabe vakadomawo magavhuna, vatongi nevamwe vasina kuvasuma.

VaJoram Gumbo ndivo vanokokera Zanu-PF mudare reparamende. VaGumbo vanoti mashoko aVaMugabe anoratidza kuti vaneta nemashoko eMDC.

Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti hapana zvitsva zviri kutaurwa naVaMugabe.

Mumwe anoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru we Media Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti mashoko aVaMugabe ndeemunhu anofunga kuti kukaitwa sarudzo achakunda. VaMudzengi vanoti zvivindi zvaVaMugabe zvinogona kureva kuti pane zvavakaronga.

XS
SM
MD
LG