Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanosangana naVaNcube paNyaya yeVaMutambara Asi Panoita Mangange


Industry Minister of the smaller Movement for Democratic Change Welshman Ncube (file photo)
Industry Minister of the smaller Movement for Democratic Change Welshman Ncube (file photo)

Musangano pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri mutsva weMDC diki, VaWelshman Ncube, unonzi wakaita mangange neChipiri mushure memaawa maviri nechidimbu.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMugabe vakatsika madziro vakati havasi kuzotoresa VaNcube mhiko yekuva mutevedzeri wemutungamiri wehurumende kusvika VaArthur Mutambara vasiya basa voga kana kuti nyaya iri kumatare yapera.

Zvinonziwo VaNcube vakaramba vakatsikawo madziro vachiti bato ravo rinoda kuti ivo vave mutevedzeri wemutungamiri wehurumende. Zvinonzi VaMugabe vaona kuti VaNcube varamba vakaomesa musoro, vakati vati vava kusvitsawo nyaya iyi kumutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, sezvo gakava iri riri kubata hurumende yemubatanidzwa.

VaMutambara neMuvhuro vakati hapana kwavari kuenda vachiti havatambire kusarudzwa kwaVaNcube semutungamiri mutsva webato iri. Vamwe mubato vakatoenda kumatare vachiti havasi kutambira kusarudzwa kwaVaNcube.

Vamwe vane ruzivo nezviri kutika vanoti neChina chikwata chaVaNcube chichadzinga VaMutambara mubato uye chinogona kubuda muhurumende yemubatanidzwa kana VaMugabe naVaTsvangirai vakasabata zvakanaka nyaya iyi..

Mutevedzeri waVaNcube, VaEdwin Mushoriwa, vanoti VaMugabe naVaNcube vanenge vari kudyidzana mumashoko.

XS
SM
MD
LG