Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoremekedza Mabasa Ari Kuitwa neMauto


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakurudzira mauto kuti achengetedze rusununguko pamwe nezviwanika zvenyika sezvo paine vamwe vekune dzimwe nyika vari kuda kutora zviwanikwa izvi. VaMugabe vataura mashoko aya pazuva rekucherechedza zuva remauto munyika, re Defence Forces Day, kunhandare reNational Sports Stadium muHarare.

VaMugabe, avo vanowanza kutukirira dzimwe nyika zvikuru sei dzekuEurope neAmerica pazviitiko zvakaita seizvi, vataura zvakadzikama uye varumbidza mauto nekuda kwebasa guru raakaita mukubatsira nyika dzakaita seMozambique neDemocractic Republic of Congo apo munyika idzi maive nekurwisana.

Vatiwo uto reZimbabwe rinodadisa pasi rese nekuda kwebasa rarakaita mukungechengetedza runyararo pasi pesangano reUnited Nations munyika dzakaita seAngola, Somalia, Burundi nedzimwe.

VaMugabe vati kunyange hazvo hupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka, uye mauto asiri kutambira mari dzinofadza, hurumende yavo iri kuedza napose painogona napo kuti mauto afare.

Mune chimwewo chiitiko muchirongwa chekucherechedza zuva remauto kwaMutare, mumwe muuto adonha kaviri kwaMutare apo anga achifora ndokubva atakurwa neamburenzi achiendeswa kuchipatara. Hazvisi kuzivikanwa kuti seyi muuto uyu adonha.

Zvisineyi nechiitiko ichi, vechidiki vanoti vafara zvikuru nezvanga zvichiitwa nemauto ayo anga achifora pachiridzwa marimba nedzimwe nziyo.

XS
SM
MD
LG