Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanonzi neDare Vatare Zuva reSarudzo kuMatebeleland


Dare repamusoro reHigh Court muBulawayo rati mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe neZimbabwe Electoral Commission, vanofanira kutara zuva resarudzo mukati memazuva gumi nemana mumatunhu matatu ekuMatabeleland.

Izvi zvinotevera kukwidzwa kwakaitwa nyaya iyi kumatare edzimhosva naVaAbednico Bhebhe, VaNjabuliso Mguni pamwe naVaNorman Mpfofu, avo vakadzingwa mubato reMDC-N. Izvi zvakabva zvaita kuti vasamirire bato iri muparamende.

Vatatu ava vakakwira dare vachiti hurumende iri kutyora mutemo wekuti sarudzo dziitwe kuburikidza nekutadza kutara zuva resarudzo mumatunhu matatu avaimirira.

Asi vamwe kuhofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende vaudza Studio7 kuti vachakwikwidza mutongo uyu.

VaMugabe nehurumende yemubatanidzwa vainge vambomira kuita sarudzo munzvimbo dzakawanda vachiti hurumende haina mari uye vachityira kuti munyika mungangoita mhirizhonga inozokanganisa hurumende yemubatanidzwa.

Hapana sarudzo dzati dzaitwa kubva muna kuKukadzi 2009 kunyange hazvo paine nzvimbo dzinosvika gumi nenomwe muSeneti nemu House of Assembly dzisina vamiriri kusvika pari zvino nekuda kwerufu, kudzingwa kwevamwe mumapato nezimwe.

VaBhebhe vanoti vatambira mutongo uyu nemaoko maviri asi vanoti VaMugabe vanogona kutsika madziro kuti sarudzo dzisaitwe.

Muzvinafundo munyaya dzezvemitemo paUniversity of Zimbabwe, uye vari sachigaro veNCA, VaLovemore Madhuku, vanoti zvikonzero zvange zvichipihwa nehurumende zvekusaita sarudzo hazvina nematuro ose.

XS
SM
MD
LG