Accessibility links

Breaking News

VaMugabe neZanu PF Voramba Kuvandudzwa kweMashandiro eMauto, Mapurisa neVasori


Hurukuro dzekuyedza kuumba hwaro hwegwara resarudzo kana kuti Election Roadmap dzinonzi dzakaita mangange neChitatu zvikuru panyaya yekuvandudzwa kwenyaya yemashandiro emauto, mapurisa pamwe nevesangano revasori.

Vakuru vakuru vehurumende yemubatanidzwa vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe veZanu-PF, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai veMDC-T, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, pamwe nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaWelshman Ncube, vakapihwa gwaro iri neChina.

Vange vari munhauririrano idzi vaudza Studio7 kuti nyaya yanetsa inyaya yekuti mauto, mapurisa nevasori vasapindire munyaya dzezve matongerwo enyika. VeMDC vange vachida kuti vakuru vemauto vabude pachena kuti vachatevedzera mitemo yenyika, uye kuremekedza anenge akunda musarudzo.

Vakuru vemauto, mapurisa nevasori vakamboti havafi vakasaruta VaTsvangirai, vamwe vachiti VaTsvangirai havafi vakatonga Zimbabwe. VeMDC vanoda kuti pauye mutemo unonyatsotsanangura mashandiro esangano revasori, kuvandudza mutemo wePublic Order and Security Act, kana kuti POSA, uye kuvandudzawo sangano reZimbabwe Electoral Commission. Asi Zanu-PF iri kuramba zvose izvi.

Nyaya dzakawiriranwa inyaya dzekuvandudza mitemo yesarudzo, bumbiro idzva remitemo yenyika uye nyaya yekusaita mhirizhonga munguva yesarudzo.

Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe, dziri kutarisirwa kuti dzipinde munyika musi wa 5 Chivabvu kuti dzizoyedza zvakare kugadzirisa misariridzwa iyi.

VaZuma mbune ndivo vachazopira gwara resarudzo kuSADC Extraordinary Summit ichaitwa kuNamibia musi wa20 Chivabvu.

Nyanzvi munyaya dzechiuto uye vari mukuru wesangano reAfrican Public Policy and Research Institute, Retired Colonel Martin Rupiya, vanoti Zanu-PF haina rutsigiro rwevanhu ndokusaka ichida kumira nemauto.

XS
SM
MD
LG