Accessibility links

Breaking News

Sarudzo Dzokonzera Kupesana muZanu PF


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachitsigirwa nevesangano reJoint Operation Command, JOC, iro rine vakuru vemauto, mapurisa nevasori, ndivo vanonzi vari kuenderera mberi nenyaya yesarudzo vachiti dzinofanirwa kuitwa gore rinouya kunyange hazvo politiburo yebato ravo isati yawirirana panyaya yesarudzo.

Asi vamwe vakuru mubato reZanu-PF vaudza Studio7 kuti dare repamisoro soro mubato iri harinyanyoteererwa naVaMugabe, asi kuti VaMugabe ndivo vanoudza dare iri zvekuita. VaMugabe vakambotuka dzimwe nhengo dze politburo vachiti dzakadza kunyatsovatsvagira rutsigiro apo vakakundwa musarudzo yekutanga yemuna Kurume 2008 nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.

Pakazodzokororwa sarudzo idzi, kana kuti "run-off," JOC ndiyo inonzi yakabva yatungamira mukutsvagira VaMugabe rutsigiro. Kunyange hazvo Zanu-PF ichiri kuti haisati yawirirana kuti yoita sarudzo here kana kuti kwete, JOC inonzi yakatotumira kare vanhu vayo munzvimbo dzakasiyanasiyana kuti vatange kutsvagira VaMugabe neZanu-PF rutsigiro.

KuManicaland kunonzi kuri kutungamirwa naBragadier Douglas Nyikayaramba, ukuwo kuMasvingo kuna sachigaro wechimwe chikwata chevakarwa hondo, VaJabulani Sibanda, uye kuMashonaland Central kune vechidiki veZanu-PF vanonzi vatotanga kugadzira mabhesi avo zvikuru kuMuzarabani.

Mabhesi aya ndiwo anoshungurudzirwa vanopikisa Zanu PF.

Vachitaura nevatsigiri vavo muHarare neChitatu, mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakatiwo mamwe mapurisa, mauto nevasori vari kushandiswa neZanu-PF sezvo bato iri risisina vatsigiri.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti Politiburo ingangozeya nyaya iyi muna Zvita pachaitwa musangano mukuru wepagore webato iri.

Vanoongororora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti Zanu-PF ikasashandisa kushungurudzwa kwevanhu, haibudirire musarudzo dzinoitwa munyika.

VaMuzengi vanotiwo kushaya kubatana muZanu PF kuri kukonzerwa nenyaya yekuti vazhinji mubato iri vanoziva kuti pakaitwa sarudzo dzakachena, vanokundwa neMDC yaVaTsvangirai, izvo zviri kupa kuti vatye.

XS
SM
MD
LG