Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Vanowedzerwa Mari dzeMihoro Muchiwande


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nevatevedzeri vavo vanonzi vakawedzerwa mari muchiwande muna Ndira izvo zvokonzera mutauro muhurumende yemubatanidzwa.

Mutauriri waVaMugabe, VagGeorge Charamba, ndivo vakabuditsa kitsi musagi nesvondo apo vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti mari yemuhoro waVaMugabe yakawedzerwa muna Ndira kubva paUS$400 kusvika pa US$1750.

Asi rimwe gurukota muhurumende kubva kuZanu-PF raudza Studio 7 kuti kanawo VaTsvangirai vakawedzerwawo mari yavanotambira kusvika pa US$1650 pamwedzi.

Nyanzvi munyaya dzemitemo, VaLovemore Madhuku, vanoti zvakaitwa zvekuwedzera mari muchiwande kutyora mutemo nekuti mari inotambiriswa VaMugabe inofanira kuziviswa kuruzhinji kuburikidza neGovernment Gazette pamutemo wePresidential Salary and Alloawances Act. Makurukota ehurumende ataura neStudio7 anoti haana ruzivo rwekuti VaMugabe vakawedzerwa mari.

Asi pasi pemutemo, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanofanirwa kuzivisa dare remakurukota dzimari dzinenge dzichipihwa mutungamiri wehurumende, uye dare iri rinofanirwa kupa mvumo yekuti mari idzi dziwedzerwe. Izvo ndizvo zvinoitwawo kuvashandi vehurumende pamwe nenhengo dzeparamende.

Nhengo dzeparamende uye vashandi vehurumende vataura neStudio 7 vanoti vatsamwiswa zvikuru nemaitiro aya.

Vashandi vehurumende vanoti vacharatidzira uye makurukota ati achataura nyaya iyi neChipiri mudare remakurukota. Muzvare Thabita Khumalo, avo vanomirira Bulawayo East uye vari nhengo yeParliamentary Welfare Committee, vanoti havana ruzivo nezvekuwedzerwa kwemari yevatungamiri vehurumende.

Ukuwo sangano revashandi reZCTU rinoti raodzwa moyo nezviri kubuda mumapenhau pamusoro pemari dziri kutambirwa nemutungamiri wenyika, nevamwe vavo muhurumende.

Mutevedzeri wemunyori mukuru wesangano iri, VaJaphet Moyo, vanoti vashandi vose vanodawo kuwedzerwa mari dzavari kutambira.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vadzidzisi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti zvinofadza kuti semushandi wehurumende, VaMugabe vawedzerwa mihoro yavo, nokudaro vadzidzisi vanofanirwa kuwedzerwawo mari dzemihoro kuitira kuti vasaramwa mabasa.

XS
SM
MD
LG