Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vanopihwa Gwaro reNhaurirano


Vatungamiri vemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa neChina vakaendesa gwaro remisariridzwa yezviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa kumutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanova mutongi gava weSADC panyaya yeZimbabwe.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vakasangana neChipiri kuti vazeye nezvemisariridzwa iyi.

Vane ruzivo nezviri mugwaro iri vanoti hapana chakatenderanwa pane zvinhu zvakaita semagavhuna ematunhu, kutoreswa mhiko kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, uye kugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika nemuchuchusi mukuru wehurumende naVaMugabe vasina kusuma VaTsvangirai sezvinodiwa nechibvumirano chavakanyorerana musi wa 15 Gunyana 2008.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio7 kuti vachazeya gwaro iri, uye kana vasina kugutsikana vachataura nevatungamiri vatatu vehurumende yeZimbabwe ava vasati varipira kuna sachigaro weSADC Troika, VaArmando Guebbuza, vanova mutungamiri weMozambique.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti VaZuma vanofanira kupira nyaya iyi kuSADC kuti iite mubatira pamwe navo.

XS
SM
MD
LG