Accessibility links

Breaking News

VaMueller Vanopa Humbowo Kudare reCongress Vachiti VaTrump Vakasiya Basa Vanogona Kusungwa


VaRobert Mueller
VaRobert Mueller

Nhasi VaRobert Mueller avo vakasarudzwa nehurumende yeAmerica kuti vaongorore kana nyika yeRussia yakapindira musarudzo dzemuAmerica muna 2016 kana kuti mutungamiri wenyika VaDonald Trump vakayedza kuvhiringidza kuongororwa kwenyaya iyi vange vachipa humbowo pamberi pemakomiti maviri eCongress anoti. VaMueller vakabuda negwaro rine mapeji mazana mana nemakumi masere.

VaMueller vatanga kupa huchapupu pamberi pedare rezvemutemo kana kuti House Judiciary Committee uye parizvino vari kupa huchapupu kukomiti yezvekusora kana kuti House Intelligence committee

VaMueller vati zvakaitwa neRussia zvakanganisa zvakanyanya hutongo hwejekerer panyaya yesarudzo muAmerica.

Gwaro raVaMueller rinotiwo VaTrump vakayedza kumisa kuongororwa kwenyaya iyi asi zvikakona nekuti magweta avo nezvipangamazano zvavo vakaramba kutevedzera zvavaida zvekuti VaMueller vadzingwe basa. VaMueller vati vakayedza kwegore rose kuti VaTrump vape huchapupu hwavo asi vakaramba.

Vachibvunzwa nasachigaro wekomiti yezvemutemo VaJerry Nadler vemaDemocrats kuti vakachenura VaTrump here, VaMuller vati havana.

Vachipindura mubvunzo waVaNadler, VaMuller vaudza dare iri kuti VaTrump vanogona kuzotongwa kana vabuda muhofisi sezvo mutemo webazi rezvemutemo uchiti mutungamiri wenyika haakwanise kutongwa achiri panyanga.

Asi vachitaurawo kukomiti iyi, VaJohn Retcliff vebato remaRepublicans vashora zvikuru VaMueller vachiti zvavakanyora mugwaro ravo kuti mutungamiri wenyika haakwanise kuferefetwa ari muhofisi handi zvechokwadi. VaRatcliff vange vachitaura nezviri mugwaro raVaMueller zvekuti havanakwanise kuchenura VaTrump.

Vanhu vakawamda muAmerica nekunze kusanganisa zvizvarwa zveZimbabwe vari kuteverawo kubvunzurudzwa kwaVaMueller.

Vamwe vari kutevera zviri kuitika izvi ndiVaZvidzai Ruzvidzo vari kuOhio muno muAmerica avo vati varikuona sekunge VaMueller vari kutatarika nekupa humbowo.

Asi vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo vachigara kuSouth Carolina muno muAmerica VaPromise Sande vati vari kuona sekunge VaMueller vati kunyatsobaya dede nemukanwa.

Vachitaura nezvenyaya yekuti Russia yakapinda musarudzo, sachigaro weZESN VaAndrew Makoni vanoti mashoko akadai anopa kuti vanhu vasave nechivimbo nesarudzo.

VaTrump vange vachinyora padandemutande ravo reTwitter vachishora VaMueller. Vati VaMueller vakasarudzwa zvisiri pamutemo uye vainge vasina kufara nenyaya yekuti vainge varamba kuvapa basa rekuvamukuru wesangano reFBI.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG