Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Voronga Kuwedzera Vashandi veHurumende Mari


VaMthuli Ncube, VaGeorge Guramatanga munyori mukuru mubazi rezvemari uye Doctor John Mangudya

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vaudza musangano wavaita nevamwe vezvemabhizimisi uchikokerwa nebepanhau reDaily News kuti hurumende iri kutarisira kuwedzera vashandi vayo mari pamberi pemusangano nevashandi ava mangwana pasi pemubatanidzwa weJoint Negotiating Council unounza pamwe chete hurumende nemasangano evashandi vayo.

Sachigaro werimwe sangano revashandi vehurumende reApex Council Amai Cecilia Alexander vanoti vari kutarisira kuti hurumende ichavapawo mari yekuti vakwanise kurarama nemhuri dzavo.

Vamwe vashandi ava vatombosangana nhasi kuti vazeye nyaya yemari yavari kuda kuwedzerwa. Mushandi wepasi muhurumende ari kutambira mari inosvika mazana mana nemakumi matatu yemaRTGS.

Vashandi vari kuchema kuti mari yavo haichatenge chinhu sezvo zvinhu zviri kuramba zvichikwira uku mari dzavo dzichishaya simba.

Gavhuna weRBZ Docor John Mangudya vaudzawo musangano mumwe chete kuti vanhu nemakambani vane mari inodarika bhiriyoni imwe chete yekuti inotogona kutenga zvinhu zvekunze zvinokwana mwedzi mitatu.

Mukuru wekambani yemagetsi yeZESA Holdings VaPatrick Chivaura vaudzawo musangano uyu kuti kambani yavo inoda mari yekuAmerica inosvika pamamiriyoni gumi nemana pamwedzi kuti ikwanise kutenga magetsi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG