Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzakawanda dzinoti mari inosvika mamiriyoni makumi matatu ekuAmerica kana kuti US$30 million yakaiswa parutivi kubatsira vemabhizimisi vanotengesa zvinhu kunze kwenyika negurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube ishoma pachitariswa zviri kudiwa.
Mukuru wesangano remabhizmisi reAfrica CEO Round Table VaOswell Binha vanoti zvinoratidza kuti VaNcube vanenge vakangoita zano ndega panyaya iyi. Vati gore rapera mari yaidiwa kutenga michina nezvimwe yainge iri mabhiriyoni maviri ekuAmwerica.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano vanoti nekuda kwematambudziko atarisana nevemabhizimisi nenyaya yeCovid-19, mari yave kudiwa inosvika mabhiriyoni mashanu ekuAmerica. Vati mari inogona kunetsa kuwana asi vakati pamari shoma inenge iripo hurumende iri kuita zvirongwa zvzisingasimudzire hupfumi.
Doctor Prosper Chitambara vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti kunyangwe mari iyi iri shoma zviri nani ikaendeswa kune vemabhizimisi madiki neari pakati nepakati.
Vati mabhizimisi aya haadi mari yakawanda asi anokwanisa kupinza vanhu vakawanda mabasa.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vanoti mari iyi ishoma asi atsunya arwa vachitiwo hurumende haifanire hayo kupa vemabhizimisi mari sezvo riri basa remabhanga.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kudzoka zvine mutsindo kwaita chirwere cheCovid-19 kuchapa kuti maindustry munyika nekunze abva ananga kumawere uye VaNcube vakagara vayambira kuti hupfumi huchakwira kanaa kudzikira zvichinderana nekuti chirwere ichi chinenge chichipararira sei.
Facebook Forum