Accessibility links

Breaking News

VaMorrison Sifelani Vanoshaya muGweru


Mumwe wevanhu vakavamba chikwata cheDynamos, VaMorrison Sifelani, vakashaya neChina manheru mushure mekunetswa nemudumbu kwenguva pfupi.

VaSifelani vakashayikira kumba kwavo muGweru. Mumwe mwanasikana waVaSifelani, Gugu, uyo asina kuda kutaura pamhepo sezvo ati vanofanirwa kutaura vakamirira mhuri vange vasati vasvika, audza Studio7 kuti hurongwa hwekuti VaSifelani vachavigwa kupi uye riinhi hausati hwavepo sezvo pakamirirwa kusvika kwevamwe vana nedzimwe hama dzavo kubva kunzvimbo dzakasiyana-siyana.

Kunze kwekuve mumwe weavo vakatanga chikwata cheDynamos, VaSifelani vakambovewo sachigaro wechikwata ichi kwemakore akawanda. Panguva yavaiva sachigaro veDynamos, VaSifelani nevamwe vaitungamira nhabvu musangano reZifa, vakaronga kuvamba sangano rePremier Soccer League, kunyange hazvo pakamboitika makakatanwa neZifa.

VaSifelani avo vange vave nemakore makumi manomwe nemashanu ekuberekwa vakambove muzvinabhizimisi aive nemukurumbira munyika vakavewo
mukuru mukuru wemakambani pamwe nemasangano akasiyana-siyana munyika anosanganisira Confederation of Zimbabwe Industries, Lonrho uye Zimtrade.

Kunyange hazvo vaigarotaura nezvekufarira kwavaiita chikwata cheDynamos, VaSifelani vange vasisina zvakawanda zvekuita nenhabvu asi vange vave munhu anozivikanwa zvikuru mukushanda nemasangano akazvimirira ega.

VaSifelani vange vari nhengo zvakare yebhodi resangano reGweru Agenda uyezve vari nhengo yebhodhi remudunhu reMidlands resangano reZimRights.
VaSifelani vasiya vana gumi nemumwe, uye vazukuru.

Sangano rinomirira vatsigiri venhabvu munyika, reZimbabwe Soccer Supporters Association, rinoti nhabvu yarasikirwa negamba guru nekushaya kwaVaSifelani.

XS
SM
MD
LG