Accessibility links

Breaking News

VaMohadi Voti Mauto neMapurisa Aone Kuti Munhu Wose Agara Mumba VaChamisa Vachiti Hazvina Kurongeka


Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi nemusi weSvondo vakadzokorora kuti mauto nemapurisa achashanda kuona kuti vanhu vatevedzera kurudziro yemutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga neMugovera yekuti vagare mudzimba kwemazuva makumi matatu uye kupfeka zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19.

Vachitaura kumahofisi avo eMunhumutapa VaMohadi vakashora vanhu nekusatevedzera kurudziro dzenyanzvi munyaay dzezvehutano pakudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Vachitaura nevatori venhau neMugovera, VaChiwenga vakati kutanga nemusi weSvondo vanhu vanofanira kunge vave mudzimba na6 manheru vozobuda na6 mangwanani. Vemabhizimisi anonzi haana kukosha vari kutarisirwa kuti vavhare nemusi weChipiri.

Vanhu vanenge vasisabvumidzwe kuenda kune mamwe maguta kutanga neChipiri. Vashanyi vari kunzi vapinde munyika netsamba inoratidza kuti vavhenekwa Covid-19 mukati memazuva maviri.

Mabhizimisi anonzi ave kufanira kuvhurwa kubva na8 mangwanani kusvika na 3 masikati. Vanhu havachabvumidzwe kuita michato, kuenda kuchechi, uye nzvimbo dzakaita sedzekudyira nekutenga doro dzanzi dzimbovharwa kunze kwekumahotera. Vanhu vanokwanisa kuenda kurufu vanofanira kuve makumi matatu chete kwete zana sekare.

Kunyangwe zvazvo vamwe vakuru muhurumende vari kuti kuzvipatara kwazarisa uye hakuna michina yekubatsira varwere kufema, VaMoadi vati hurumende yakagadzirira zvakakwana.

Panyaya yekuti vanhu vanenge vachirarame sei, VaMohadi vavimbisa kubatsira sezvakamboitwa kare asi vakawanda vanoti hapana chavakabatsirwa nacho.

Vachinyorawo padandemutande ravo reTwitter, mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vati zviri kuitwa nehurumende zvichasiya vanhu vakawanda vachiyaura nenzara nekuti hazvina kuitwa patauriranwa nenyanazvi uye vanhu.

Vati zviri nani kuti hurumendeivhare nzvimbo chete dzine dambudziko rakakurisa uye vashora kuvharwa kwemabhodha vachiti ndiko kunobva raramo yevakawanda.

Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vati hurumende haisi kubatsira varombo sezviri kuitwa nedzimwe nyika.

Mutungamiri weInternational Cross Border Traders Association VaDennis Juru vanoti kuvharwa kwemabhoda kwave kupa kuti vanone svosve nemuromo uye vachayedza kuti vataurirana nehurumende.

Hurukuro naVaDennis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aya atsinhirwa nemukuru wesangano reVendors Initiative for Social Transformation kana kuti VISET VaSamuel Wadzai avo vanoti kana pasina rubatsiro kubva kuhurumende vanhu vachanetseka zvakanyanya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG