Accessibility links

Breaking News

VaMnangwa naVaChamisa Voita Maonero Akasiyana paNyaya yeZuva reKubatana neSarudzo


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaparura neMugovera mashoko ezuva rekubatana kwevanhu munyika, kana kuti Unity Day, iro rinocherechedzwa musi wa 22 Zvita.

Mashoko emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura kumuzinda wavo weState House, VaMnangagwa vati imba ine kurwisana inowondomoka vachitiwo pose panopera sarudzo panoda kuti paitwe sungawirirano kuitira kuti nyika ifambire mberi.

Zuva reUnity Day iri rakauya mushure mekunyoreranwa kwechibvumirano cherunyararo kana kuti Unity Accord pakati peZanu-PF nePF Zapu musi wa 22 Zvita 1987.

Vakanyorerana chibvumirano ichi ndimuchakabvu VaRobert Mugabe namuchakabvu Doctor Joshua Nkomo.

Izvi zvakatevera kuurayiwa kwevanhu vanofungidzirwa kuti vanosvika zviuru makumi maviri kuMatabeleland neMidlands munguva yeGukurahundi pachipomerwa mhosva mauto eFifth Brigade.

Hurumende inoti yairwisa vainge vaipandukira asi vePF Zapu vanoti yainge iri hondo yekurwisa verudzi rwechiNdebele chete.

VaMugabe vakaramba kukumbira ruregerero vachiti yaive nguva yekupengereka asi VaMnangagwa vakati vanhu vakasungunuka kutaura nezvenyaya iyi kunyangwe naivo vasati vakumbira ruregerero.

Munguva iyi VaMnangagwa ndivo vaive gurukota rezvevasori.

Vachipindurawo mashoko aVaMnangagwa aya, mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Studio7 kuti havatenderani nemaonero aVaMnangagwa panyaya yesarudzo.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG