Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vowedzera neMavhiki Maviri Nguva Yekuti Vanhu Vagare Mudzimba Kuyedza Kudzivirira Covid-19


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakawedzera nemamwe masvondo maviri hurongwa hwekuti vanhu vagare mudzimba kana kuti lockdown.

Mumashoko atapihwa mvumo nebazi rezvekuburitswa kwemashoko VaMnangagwa vati kunyangwe hzvo huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi huri kudzikira, vanhu vakawanda vachiri kufa.

Vakakurudzirawo vanhu kuti vatevedzere kurudziro kubva kunyanzvi dzekudzivirira kupararira kwechirwere ichi kusanganisira kupfeka zvivhara muromo nemhuno uye kugeza maoko nesipo VaMnangagwa vanotiwo vari kushushilkana nekuti chirwere ichi chiri kuwedzera zvakanyanya munyika dzakapoteredza Zimbabwe

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG