Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovimbisazve Kuti Ongororo yaVaMothlante yeKupfurwa kweVanhu Ichaziviswa veRuzhinji


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter uye zvizchitsigirawo nebazi rezvekuburitswa kwemashoko, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakazivisa kuti zvichabuda mukomisheni yaVaKgalema Mothlante iri kuongorora kupfurwa kwevanhu vairatidzira muHarare vatanhatu vavo vakaurayiwa nemauto zvichaziviswa kuruzhinji.

Izvi zvinotevera mashoko emutauriri wavo VaGeorge Charamba vainge vati zvaive kuna vamnangagwa kuburitsa kana kusaburitsa gwaro iri.

VaMnangagwa vange vachitaura nevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika kumahofisi avo eMunhumutapa muHarare.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi vanoti sezvo komisheni iyi yakashandisa mari dzevanhu dzemutero, ongororo yacho inofanira kuburitswa pachena.

Mutauriri wekomisheni yaVaMothlante VaJohn Masuku vakazivisa vatori venhau kuti komisheni yavo yakapihwa mwedzi mitatu kusvika musi wa 19 Nyamavhuvhu kuti inge yapeta ongororo iyi.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG