Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovhura Dare reVashandi Vachishora Huori


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatsoropodza huori hunonzi huri kuitwa mumatare edzimhosva panguva iyo mukuru wevatongi munyika akurudzirawo hurumende kuti igadzirise nhuna dzevashandi vemumatare.

Vachitaura pakuparura kwavaita dare rinotonga nyaya dzevashandi kana kuti Labour Court rakavakwa nehurumende, VaMnangagwa vati huori hunonzi huri kuitwa mumatare hunofanira kupera vachiti hurumende yavo ichabata wese achawanikwa achiita zvehuori.

Asi mukuru-mukuru wevatongi munyika, kana kuti Chief Justice, VaLuke Malaba avo vataurawo pachiitiko ichi vati vashandi vemumatare avo vanosanganisira vatongi vedzimhosva havasi kubhadharwa zvakafanira.

Mashoko aVaMalaba atsinhirwa nevakafanobata chigaro chemunyori weJudicial Services Commission, VaWalter Chikwanha.

VaChikwanha vati nhuna dzevashandi vemumatare edzimhosva dzikagadziriswa zvinoita kuti huori hunonzi huri mumatare hupere.

Rimwe gweta rine mukurumbira uye vari nhengo yeparamende, VaJonathan Samukange, vati huori mumatare hunopedzwa nekuti hurumende ibhabhadhare vatongi nevashandi vemumatare mari inovakwanira. Ruzhinji rwevashandi vehurumende rwunoti mari yarwuri kutambiriswa yakafanana nemutero wembwa.

Zvichakadai, VaMnangagwa vatiwo vashandirwi vanofanira kugadzirisa nhuna dzevashandi kwete kumirira kuti nyaya dzingonopedzerwa kudare reLabour Court.

Gurukota rinoona nezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, vaudza Studio 7 kuti kuparurwa kwaitwa dare reLabour Court muHarare kunoratidza kuti hurumende yakazvipira kutevedzera mitemo yenyika.

Kuparurwa kwedare Labour Court kwaitwa muHarare nhasi kwave kureva kuti munyika mave nematare matatu anotonga nyaya pakati pebashandi nevashandirwi.

Mamwe matare maviri akadai ari kuBulawayo nekuGweru uye VaMnangagwa vakurudzira veJudicial Service Commission kuti vavake mamwe matare akadai kunzvimbo dzakawanda munyika kuitira kuti veruzhinji vakwanise kuti nyaya dzavo dzisvike kumatare pamwe nekukasika kunzwikwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG