Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovhura Chiteshi cheMabhazi kuGweru


VaEmmerson Mnangagwa.
VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika VaEnmerson Mnangagwa vanoti vanhu vanofanirwa kubatsira mukuvaka nyika nekusimudzira hupfumi hwayo vasingatarisiri kuti vekunze vavaitire.

Mumashoko avakatura vachivhura zviri pamutemo chiteshe chemabhazi che Kudzanai Bus Terminus muGweru nemusi weMuvhuro, VaMnangagwa vakati zvakosha kuti munyika muve nezvivakwa zvechizvino-zvino vachiti izvi zvinopa hwaro hwakanaka hwekuti hupfumi hwenyika husimukire.

Vakati kuvandudzwa kwakaitwa nzvimbo yeKudzanai Bus Terminus nekambani yemuno yeBentach Resources Private Limited ichishanda nekanzuru yeguta reGweru muenzaniso wakanaka wehukama hunogona kuvepo pakati pemakambani akazvimirira pamwe nemapazi ehurumende kusanganisira makanzuru.

Vakakurudzira veruzhinji kuti vave nechido chekuvaka nekusimudzira nyika yavo.

Mutungamiri wenyika vakati donzvo rehurumende yavo nderekuti pasave nevanosarira kumashure munyaya dzebudirio munyika, vakati kuve nenzvimbo dzakanaka dzekuti vanorarama nekutengesa nevemabhizimisi madiki vashandire kunoenderana nedonzvo iri uye kunobatsira kusimudzira hupfumi.

Vakati chivakwa ichi chinoita kuti vanhu vaite nzendo dzavo vakasununguka vasingavhiringidzwi nevanozivikanwa kunzi mahwindi.

VaMnangagwa vakati vakafara kunzwa kuti kanzuru yeGweru yave kuwana mari yakawanda kudarika zvayachiita kubva kumitero inobhadharwa kubva zvakagadziriswa nzvimbo iyi. Vakatiwo mamwe makanzuru munyika anofanirwa kutevedzera muenzaniso wakanaka wakaitwa nekanzuru yeGweru.

VaMnangagwa vakati havafari kana makanzuru akasiyana siyana munyika achitadza kuita mabasa awo nemazvo vakakurudzira vanhu kuti vatore mukana wekuvepo kwesarudzo dzema by-election dzinonzi dzichaitwa gore rinouya kuti vasarudze vanhu vane hunhu, vanokwanisa kushanda vachizadzikisa zvido zvevanhu.

Mutungamiri wenyika vakapeta mashoko avo nekuyambira kuti vanhu vazvidzivirire kumhando yeCovid-19 yeomicron vakakurudzirawo veruzhinji kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira chirwere ichi uye kuramba vachiita zvose zvinokurudzirwa nesangano reWorld Health Organisation.

Mumwe wevanotengesa paKudzanai Bus Terminus Muzvare Shuvai Tagarira vakaudza Studio 7 kuti vanofara nekuvandudzwa kwakaitwa nzvimbo iyi vachiti vanoshanda vasina kumanikidza vachitevedzera zvinodiwa pakudzivirira chirwere cheCovid 19.

VaDavid Kudakwashe, mukuru wemabasa mukambani yeBentach Resources Private Limited vati vanofara kuti vakawana mukana wekuratidza kuti vechidiki vanogona kuita mabasa akanaka kana vakapiwa mukana.

Asi vachema chema neyavati mitero yakakura yavanobhadhariswa nekambani yeZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, vakati vakatosvitsa nyaya iyi kubazi rezvemabhizimisi nekubudirira kwemadzimai.

Nzvimbo yeKudzanai Bus Terminus yakavandudzwa nemari inosvika 1.6 million yemadhora ekuAmerica uye ine vanhu vanopfuura mazana mashanu vanokwanisa kutengeserapo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG