Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votura Mashoko kuNyika Vachiti Vari Kugadzirisa Hupfumi hweNyika


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa neChina vakatura mashoko emamiriro akaita zvinhu pamwe nekuvhura zviri pamutemo chikamu chechitatu cheparamende yechipfumbamwe vachiti hurumende yavo iri mubishi kugadzirisa nhuna dzevashandi vayo pamwe nehupfumi hwenyika.

Vachitaura vari kuState House, VaMnangagwa vati hurumende yavo iri kuedza nepainogona napo kugadzirisa nyaya dzemari yemihoro dzevashandi vayo avo vari kunyunyuta kuti mari dzavari kutambiriswa dzakafanana nemutero wembwa.

VaMnangagwa vatiwo kunyange hazvo nyika yakatemerwa zvirango nenyika dzekumavirira, hupfumi hwenyika huri kuratidza kusimukira vachiti kusaenda-enda kwemagetsi kuri kuita kuti makambani anyatsoshanda zvakanaka izvo zvavati zviri kuita kuti hupfumi hwenyika husimukire zvichipa kuti mabasa awande munyika.

Vakurudzira nyika dzakavatemera zvirango dzakaita sedziri muEU uye America kuti dzizvibvise . Vaenderera mberi vachiti kuvandudza kwavari kuita hupfumi hwenyika kuri kukonzera kuti nyika itenge zvinhu zvishoma kubva kunze uye kudzerawo zvairi kutengesa zvavati zviri kupa kuti nyika iwanewo mari yekunze yakawanda. Vati zvakare hurumende yavo ichaongorora mashandiro emasangano akazvimirira.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatswayo, vati zvataurwa naVaMnangagwa hazvina musoro sezvo veruzhinji munyika vari kunonga svosve nemuromo vasina kana mabasa acho.

Vatiwo nhengo dzavo dziri mudare reparamende hadzina kuenda kudare reparamende uko kwanga kuine nhengo dzeZanu PF neMDCT inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe dzanga dzichitevera zvanga zvichitaurwa naVaMnangagwa kuState House vachiti havacherechedze kusarudzwa kwaVaMnangagwa.

Pamashoko avo anga akanangana nekuvhurwa kwechikamu chechitatu cheparamende yechipfumbamwe kana kuti 3rd Session of the 9th Parliament, VaMnangagwa vati mudare reparamende muchaunzwa mabhiri akawanda akanangana nekusiumidzirwa kweraramo yevanhu pamwe nehutongi hwejekere vakakurudzira nhengo dzeparamende kuti dzizeye mabhiri achauya aya nekukasika kuti igova mitemo yenyika.

Vati dare reparamende rakapasisa mabhiri gumi chete pamakumi matatu nemapfumbamwe akaunzwa kudare iri.

VaMnangagwa vati vakatarisirwa kuti paunzwewo mabhiri akanangana nezvevechidiki pamwe nekushanyirwa kwenyika uye rimwe bhiri rakananganawo nezvekuvandudzwa kwemitambo munyika pamusoro pemamwe mabhiri.

Vachipeta mashoko avo, VaMnangagwa vakurudzirawo ruzhinji rweZimbabwe kuti rwubatane mukushanda zvakasimba kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG